Uncategorized

Wako mupe rudo

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Wako mupe rudo Barbra Mukono

Kwayedza

GORE roga-roga musi wa14 Kukadzi pasi rose vanhu vanotenda mazviri vanocherechedza zuva rinodaidzwa kuti Valentine’s Day rinova rinofambirana nenyaya dzekuratidzana rudo pakati pevanodanana. Pazuva iri, vamwe vadikani vanotengerana maruva kana zvipfeko zvitsva senzira yekuratidzana rudo.Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pezuva iri.

Sophia Nyarirangwe (26) wekuGlen View 1, muHarare, anoti zuva iri rinofanirwa kuremekedzwa nekuti ndere rudo.

“Izuva rinokosha zvikuru nekuti rinobatanidza pasi rose, vanhu vanodanana vachipanana zvipo nezvekudya. Ini zvangu ndakarambana nemukomana wangu mushure mekunge andidhumanisa saka pane mumwe wandinogona kuda izvozvi takatarisana neVale kudai nekuti ndinoda zvangu kunogocherwa.

“Asi ndinoti vanhu varege kudhakwa zvakanyanya vogumisira vave kurwa, tinoda zvedu kunotambira kumvura todya zvedu chicken tiine mbatya itsva,” anodaro. Praise Tamisai (17) wekwaZimunya kwaMutare anoti anokoshesa zuva iri sezvo richiburitsa rudo rwunombogara rwakavigwa apo vanhu vanenge vachitengerana zvekudya nezvipo zvinosanganisira maruva.

“Tinoda kudiwa, ungava mukomana kana musikana zuva iri rakakosha. Asi ini zvangu ndinoti vangava vabereki vedu, pamwe baba vakafa kana kuti amai kosara mumwe chete, ngativatengere zvipo nezvekudya,” anodaro.

Malvin Simoko (22) wekuMt Pleasant, muHarare, anoti iri izuva rekuratidzana rudo. “Seni, ndiri kuronga kusurprise musikana wangu wandiinaye pano uyu,” anodaro.

Nyasha Mufushwa (19) anoti zuva iri rinofanirwa kungofanana nemamwe ose sezvo vanhu vachifanirwa kugara vachiratidzana rudo nguva dzose.

“Ini handione zvakasiyana, chokwadi ndingati vanhu vombomira kudanana vozotanga musi weValentine?” anodaro.

Knowledge Clive (22) wekuKuwadzana, muHarare, anoyambira vanhu kuti pazuva iri panogona kuve nekusuwa kana kufara.

“Zuva iri rine mafaro nekusuwa kwaro, vamwe vachadhumaniswa voguma vave kurwisana. Vamwewo vachaba vachida kufadza vadikani vavo vosungwa, voenda kumajeri. Ngatidananei tichiratidza zvatiri kwete kuda kufadzana nenhema,” anodaro.

Itai Chidzungu (32) wekuVainona anoti haaremekedze zuva iri nekuti harina charinoreva kwaari semuKirisitu.

“Chandinoridira chete kuti vanhu vanobatanidzwa vachipanana rudo asi semunamati, handiricherechedze,” anodaro.

Kuchiti Barbra Mukonowatsauka (36) – uyo anoita basa rekutengesa maruva paAfrica Unit Square, muHarare – anoti vanoita mari yakawanda pazuva reValentine’s Day.

“Izuva rekunyeperana nekutsotsana chete iri. Isu pano unoona munhu mumwe chete achitenga maruva kana gumi achimhanya nawo kumahofisi akasiyana. Isu hatina basa nazvo, chedu kuda mari, hatidi zvedu vanozorwisana vadhumaniswa vokuvadzana. Dambudziko redu kudhura kwemaruva chete kwatinohodha,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links