‘Wanzai chenjedzo yeCovid muzvikoro’

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
‘Wanzai chenjedzo yeCovid muzvikoro’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vechikoro pamwechete nevabereki vari kukumbira Hurumende nevamwe vatsigiri kuti vasimbaradze zvirongwa zvekudzivirira chirwere cheCovid-19 muzvikoro vachiti pachiri kudiwa dzidziso yakasimba pamusoro pedenda iri sezvo vamwe vana vari kuisa utano hwavo panjodzi nekusatevedzera zvinodiwa.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevana vekunzvimbo dzinosanganisira Mabvuku iri muguta reHarare avo vanoti pachiri kudiwa dzidziso yezvechirwere cheCovid-19 kuvadzidzi.

“Dzidziso yechirwere cheCovid-19 takaiwaniswa asi iri kuperevera. Tinongozorwa sanitiser tichipinda pagedhe rechikoro asi mumakirasi nekuzvimbuzi hakuna. Mamasiki tinawo asi vamwe vana vanoabvisa chero vari muyadhi yechikoro kana kuti vava kuenda kumba vachivimba kuti havasungwi nekuti vachiri vadiki.

“Vamwe vana, semaGiredhi 1 neveECD, vanorasa mamasiki kana kuchinjana izvo zvinopa mikana yekuti chirwere ichi chitapuriranwe,” anodaro mumwe mudzidzi wepaMabvuku 1 High uyo akaramba nezita rake nekutya mitemo yepachikoro.

Vamwe vana vari kukumbira kuti pachikamu chese chedzidzo patange paitwa zvidzidzo zviri maringe nechirwere cheCovid-19. “Hatina ruzivo rwakanyatsozara maringe nechirwere ichi, saka kana muzvikoro mukava neveutano vakangomirira kutibatsira, zvinoendeka nekuti zvishoma zvatinonzwa pamaredhiyo nemapepanhau. Kana pakava nemunhu anotaura achiratidza zvatinofanira kuita semagezerwo emaoko zvinotibatsira.

“Zvekare mumakirasi ngamuve nevanomirira kuona kuti vana vari kugara vakapfeka mamasiki here uye kuregedza kuungana nekuti kutaura chokwadi zvikoro zvizhinji zvekumarokesheni, sekuno kuMabvuku, vana vanenge vakawanda zvikuru,” anodaro Thomas Mlambo.

Febbie Shoko anoti vamwe vana vari kuenda kuchikoro vakapfeka mamasiki akasviba izvo zvine njodzi.

“Tinokumbira kuti pave nezvirongwa zvekufundisa vana pamusoro pekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19. Vana vari kupfeka mamasiki akasviba muzvikoro uye vanotogona kupara mhosva vadzipana nawo vachirwisana. Pasina chenjedzo, mamasiki iwayo anogona kukonzera rufu saka vana vanofanira kufundiswa kubvira vachiri kumba,” anodaro.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro anosanganisira kuona kuti vadzidzi havasi kuita chitsoko-tsoko.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, svondo rapera vakati Hurumende haitarisire kusangana nezvimhingamipinyi zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro sezvo paine zvakadzidzwa gore rapera maringe nekurwisa Covid-19 muzvikoro.

Vakataura mashoko aya vachipindura mibvunzo mudare reNational Assembly nemusi weChitatu apo nhengo dzedare iri dzaida kuziva kuti Hurumende iri kutora matanho api ekuchengetedza utano hwevana nevarairidzi muzvikoro.

“Covid-19 muZimbabwe uye nepasi rose haina kutanga nhasi. Tave nayo kwenguva inodarika gore, nyika yose kusanganisira makambani, mahofisi kunyangwe dare rino reParamende, tose tiri kushanda nesimba kurwisa Covid-19. Saka tiri kushandisa ruzivo rwatakawana gore rapera,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoenderera mberi: “Nekudaro hatione musiyano uripo nezvakaitika gore rapera zvekuti tingaite zvakasiyana nezvatakaita gore radarika. Hongu, tichatarisa nyaya yacho yose uye nekutevedza zvinodiwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete neWorld Health Organisation (WHO).”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>