Uncategorized

Wapfeka here kana kuti wapfekwa?

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
NDINOTYA kupfekwa nekushandiswa segambhutsu. Ndinotya kupfekwa nemweya yetsvina nezvimwe zvinhu zvinopfeka vanhu, ivo vanhu vachifunga kuti ndivo vakazvipfeka.

Ndinotya kupfekwa nehembe dzinoti kana ndadzipfeka idzo dzondiitisa zvandisingade kuita.

Dziriko hembe dzekuti unopfeka ugoti ndachena, asi ukazvitarisisa uchaona kuti hunhu hwako nezvaunofunga nezvaunoita zvinenge zvave kubva pahunhu hwehembe idzodzo.

Kana zvadaro, hembe inenge yave kutyisa nekuti inenge isisiri chinhu chekupfeka.

Dziriko hembe dzine simba. Kana newewo unadzo hembe dzinokutonga nekukuitisa.

Unadzo hembe dzinoita kunge dzakagadzirirwa iwe. Hembe idzodzo dzinoti kana wadzipfeka newewo unonzwa kuti dai uri pfuti uri machine gun chaiyo.

Hembe dzine hunhu uhwu dzakanyanya kuwandira kuvanhukadzi. Ikoko ndiko kune hembe dzinosonwa kuti dzisherekete nekushereketesa kana dzichinge dzapfekwa.

Ndiwo maLow-cut, maSlits, maMini, maCrop-top, maRipped jeans zvichienda zvakadaro.

Dziriko hembe dzine humwe hunhu huri madziri. Unogona kuiona nepahwindo reShop uchifamba, wobva wangonzwa hana yako kuti tibvu. Hembe iyoyo inoita sekuti iri kukushevedza kuti, “Huya undiyedze, undipfeke.”

Hembe dzakadaro unogona kusangana nadzo dzaburitswa mubhero. Kana ukaitarisisa nekuiteereresesa unonzwa ichitaura newe nezevezeve kuti, “Kana ukandipfeka, ndinoita kuti vanhu vakuone nenzira iyi kana iyo. Unogona kundipfeka nebhachi rako riye remavara kana nejuzi rako reYellow nekaheti kaye kane ruva.”

Ndinotya kuteerera mazwi ehembe. Ndinotya kutongwa nefashoni.

Saka ndiudzewo, kwauri hembe zvinhu zvekungofukidza muviri here kana kuti dzinofanira kumeka statement? Iwe ndiwe unopfeka hembe here kana kuti hembe ndidzo dzinokupfeka?

Mumwe mufundisi akazosvika pakuita nharo naMwari pamusoro pesutu yake yaaida zvikuru.

Mufundisi uyu akati sutu iyoyo aiida zvekumutenderedza musoro. Asi Mwari vakazomuudza kuti atsvage munhu wekupa sutu iyoyo zvikamurwadza zvekuti akaita mwedzi yakawanda achiramba nesutu iyoyo.

Yakanga iri sutu yemari zhinji, uye yaimupa kunyatsoita celebrity chaiyo. Pakupedzisira akazopa sutu iye kune mumwe munhu, asi mushure mehondo huru nemwoyo wake.

Newewo chenjerera kuti unogona kubvarurirwa mwoyo wako nehembe. Hembe dzinogona kukupinza muzvikwereti, dzigokuchinjisa mafambiro nemaitiro.

Kune vanhu vanotoziva kuti nhasi kana Maggie akapfeka zvakati nezvakati, anenge achizvida, achifamba serwaivhi. Anenge achiudza vamwe kuti, “Asikana ndega ndiri kuzvinzwa kuti ndakachena nyangwe musiri kundiudza.”

Dziriko hembe dzinogona kukuita kuti ungopota uchisimuka-simuka pane vamwe nekuti dzinenge dzichikuudza kuti kana ukagara haunyatsoonekwa.

Dziriko hembe dzinoita kuti vakadzipfeka vasekenyedzwe nezvavasingaone.

Kupfekwa nehembe kwave kushandiswa semuromo unotaura kuzvida nekushambadza nyama.

Ndinobva ndafunga nyaya yakataurwa muBhaibheri kuna Hosea 2:2 inoti: “Udza mai vako Israeri mhosva dzavo — nekuti havasisiri mudzimai wangu, uye neniwo handisisiri murume wavo. Vaudze kuti vabvise makeup yepfambi iri kumeso kwavo, zvese nehembe dzinosiya mazamu avo ari pachena.”

Nyaya yekusiya mazamu ari pachena inoita sefashoni, asi kuri kumwe kutongwa kwave kuitwa vazhinji nehembe dzavo.

Newewo usarege fashoni ichikuuraya. Mwari muBhaibheri vanoti, “Vana vandinodisisa, ibvai pachinhu chipi zvacho chinogona kutora nzvimbo yaMwari mumwoyo yenyu.”

Tiri kurarama munguva dzekuti fashoni yatora nzvimbo yaMwari, uyewo nekudhakwa, kuda mari, hupombwe nekuzvida.

Ndinotya kupinda mune dzimwe hembe, nekuti dzakafanana nekudyiwa, womedzwa — paunozobuda unenge washandurwa, wave kunhuwa.

Share This:

Sponsored Links