WARRIOR AFCON 2019: DeMbare 0, Bosso 0

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
WARRIOR AFCON 2019: DeMbare 0, Bosso 0 Kenneth Mhlophe

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvinoti Dynamos FC neHighlanders hazvina kana mutambi mumwechete akasarudzwa kuti anotambira maWarriors kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) pamwechete neCosafa Cup izvo zvasiyana nakare apo zvaibura vatambi vakawanda vaive shasha vaitambira chikwata chenyika ichi.

Kubva kare, DeMbare neBosso ndizvo zvaive zvikwata zvikuru muZimbabwe asi parizvino zvinotaridza kuti masamba asiyana sezvo matambiro ezvikwata izvi muPremier Soccer League adzikira zvikuru.

Kune zvimwe zvikwata izvo zvainonekwa sezvidiki zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Semuenzaniso, Herentals FC ine mutambi wayo Richard Hachiro ari muchikwata chemaWarriors,  Yadah Stars ina Leeroy Mavhunga kozoti Chapungu ina Talbert Shumba neFC Platinum ina Lawrence Mhlanga.

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevakuru veBosso neDeMbare pamusoro pekudzikira kwaita zvikwata izvi munyaya dzenhabvu.

Sachigaro weHighlanders – Kenneth Mhlophe – anoti ivo sechikwata vari panguva yekuvaka izvo vakatanga gore radarika.

Anoti chikwata chavo ndicho chimwe chine vatambi vechidiki muPSL saka makore anotevera vanogona kubura vatambi vakawanda vachazotambira maWarriors.

“Isu tiri panguva yekuvaka zvakatanga gore radarika, izvi zvinozivikanwa nemunhu wese, vatambi vedu vachiri vechidiki.

“Kutaura kuno tine vatambi vaviri vakashevedzwa kuchikwata chemaUnder-23 saka zvinorakidza kuti tiri kufamba negwara chairo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Prince Dube – uyo akashavedzwa kumaU-23 – ane ramangwana rakanaka.

“Tina Prince Dube, mutambi ane tarenda rinonwisa mvura. Akaenda kuSouth Africa akanokanganiswa ikoko sezvo aisatambiswa asi akadzoka tiri kumubika patsva, gore rinotevera muchamuona ari kumaWarriors.

“Iye zvino ari kumaU-23, kutoshevedzwa ikoko kunorakidza kuti varairidzi vemaYoung Warriors vanozviziva kuti ane tarenda rinodadisa,” anodaro Mhlophe.

Maneja weDeMbare – Richard Chihoro – anoti chikwata chavo gore rino chakavakwa patsva saka vatambi vavo vachiri kumbodzidzana.

“Zvamunongoziva isu gore rino takatenga vatambi vatsva saka vange vachiri kumbodzidzana, mukatarisa matambiro atiri kuita vave kuita vachibatana, vachigona uye vachisimuka.

“Zvinonetsa kuti vangotanga nekupinda musquad asi tinoziva kuti munguva inotevera kuDeMbare kuchabva vatambi vakawanda vachienda kumaWarriors. Hazviite kuti kushaye vatambi vanobva kuDeMbare vachienda kumaWarriors, kana chikwata chedu changobatana vakawanda vachaenda,” anodaro Chihoro.

Paakabvunzwa neKwayedza kuti pavatambi vari muchikwata chavo parizvino ndevapi vaanofungira kuti vanogona kukwana kumaWarriors, Chihoro anoti, “Parizvino kutaura chokwadi hapana mutambi watinaye anokwana kumaWarriors.”

Zvakadai, nemusi weMugovera uno maWarriors achatanga kurwira kuchengetedza mukombe wavo weCosafa Cup apo achasangana nechikwata chichapedza chiri pamusoro muboka reGroup A kuDurban, kuSouth Africa.

Chikwata chaSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa chiri kushandisa makwishu aya segadziro dzemutambo weAfcon uyo uchatanga nemusi wa21 Chikumi apo maWarriors achasangana neEgypt.

Mumakwishu ekupedzisira eAfcon ayo akaitirwa kuGabon mugore ra2017, DeMbare yaive nevatambi vaviri vaive muchikwata chemaWarriors vaiti Tatenda Mkuruva uyo aive mubati wepagedhi naElisha Muroiwa uyo aivhara bhora pamwechete naCosta Nhamoinesu.

Bosso yakapedzisira kuita vatambi vakapinda muchikwata chemaWarriors mugore ra2017 apo paiva naPrince Dube naHonest Moyo avo vakatakurwa naMhofu kuenda kuCosafa Cup. Muchikwata ichi maive zvakare naOcean Mushure weDynamos uyo akatamba zvainwisa mvura.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>