Warriors muna 2021 . . . • Pamitambo 15 vakakunda 1 • Vasimuka kuenda kuAFCON

30 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Warriors muna 2021 . . . • Pamitambo 15 vakakunda 1 • Vasimuka kuenda kuAFCON

Kwayedza

Abel Ndooka

GORE ra2021 rakaona chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chichitamba mitambo 15 uye zvakarakidza kuti chadzikira zvikuru sezvo chakangokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete.

Gore richitanga, maWarriors airairidzwa naZdravko “Loga” Logarusic uyo akarairidza mitambo 14 kubva paakagadzwa pachigaro chinopisa ichi kusvika azodzingwa basa munaGunyana.

Loga paaitungamira maWarriors, akangokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete uye akaita mangange mishanu ndokukundwa misere.

Asi tichitarisa mitambo yakatambwa nemaWarriors gore ra2021, akatamba 15 yemakwikwi anosanganisira African Nations Championship (CHAN), Africa Cup of Nations (AFCON) Qualifiers, Cosafa Cup neyekurwira kuenda kuWorld Cup kuQatar.

Pamitambo iyi, maWarriors akangohwina kamwe chete apo akakunda Botswana 1-0 kunhandare yeFrancistown Stadium kunyika iyi mumutambo weAFCON wekurwira kuenda kuCameroon, ndokuita mangange mitambo mina uye ndokukundwa ka10. Tichitarisa mitambo yakatambwa nemaWarriors, tichitanga neyeCHAN iyo yakatambwa munaNdira, akatamba mitambo mitatu ndokukundwa yese – 1-0 neCameroon, 3-1 neBurkina Faso uye 1-0 neMali.

Mitambo yaitevevera yakatambwa munaKurume yaive miviri yekurwira kuenda kuAFCON iyo yakaona maWarriors achikunda Botswana 1-0 panove ndipo akabva ahwina tikiti rekuenda kumutambo uyu. Mutambo wekupedzisira muboka ravo chikwata chenyika ichi chakakundwa 2-0 neZambia.

MunaChikunguru, maWarriors akaenda kumutambo weCosafa Cup kuSouth Africa uko akanotamba mitambo mina akakwanisa kuita mangange miviri 0-0 neMozambique, 2-2 neMalawi asi ndokukundwa miviri 2-0 neNamibia uye 2-1 neSenegal. Achibva kuCosafa, maWarriors akatamba mitambo mitanhatu yekurwira kuenda ku2022 Qatar World cup apo angokwanisa kuita mangange miviri ndokukundwa mina.

Panguva iyi, ndipo pakadzingwa Loga basa ndokutsiviwa naNorman Mapeza uyo ari kutungamira maWarriors kuAFCON pari zvino.

Pamitamo iyi, maWarriors akaita mangange 0-0 neSouth Africa muno kunhandare yeNational Sports Stadium uye 1-1 zvekare munyika muno neEthiopia, ndokuzokundwa mimwe mina inoti 3-1 neGhana kuGhana, 1-0 neGhana muno, 1-0 neEthiopia kuBahir Dar kuEthiopia ne1-0 neBafana Bafana kuFNB Stadium.

Achibvunzwa neKwayedza maonero ake pamusoro pematambiro emaWarriors aya, maneja wechikwata ichi — Wellington Mpandare — anoti haakwanise kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi uye varairidzi ndivo vanofanirwa kunge vachitaura nezvazvo.

“Ndiro basa revarairidzi iroro, mofanira kuvabvunza kuti vakazvifambisa sei. Asi, tinoziva kuti mitambo mizhinji yakatambwa 2021 akairairidza wacho haasisipo,” anodaro Mpandare.

Chikwata chemaWarriors chakasimuka nemusi weChitatu chakananga kuCameroon uko chiri kunoita gadziriro dzekutanga kwemutambo we2021 Africa Cup of Nations nemusi wa9 Ndira.

Share This:

Sponsored Links