Uncategorized

‘Wedu akabviswa ziso, rurimi nematumbu’

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAI Annah Mutondoro (65) – avo vanova amai vaClarah Mupandawana – vanoti vakange vasina ruzivo rwekuti mutumbi wemwana wavo wakabviswa nhengo dzinosanganisira ziso, rurimi nematumbu sezvo wakawanikwa nemapurisa waora.

Vanoti vakazoziva kuti mutumbi wemwana wavo wainge wakabviswa dzimwe nhengo apo vakanzwa mhondi Bryn Mupaiki achironderedza maurairo aaita vanhu vatatu pachirongwa chepanhepfenyuro yeStar FM, cheTilder Live icho chakabuda neChipiri svondo rapera.

“Zvekuti mhondi iyi yakatora nhengo dzinosanganisira ziso, rurimi, ropa nehura hutete takatozozvinzwa paStar FM pahurukuro yakaitwa naBryn uyo akagara pamba pangu kwemasvondo maviri muna2014 achiti aida kuroora mwana wangu ndokuzomuponda,” vanodaro.

Vanoti musi wapondwa mwana wavo, ivo vainge vasipo vaenda kuchechi apo vaviri ava vakasara vachienda kuhuni.

Vanoti Bryn anonzi akange ataura kuti aida kuzotizisa musikana wake kuenda naye kumusha kwake kuManyene, kuChivhu.

“Ndakazodzoka kuchechi ndikasvikowana Bryn nemwanasikana wangu vasipo, imba yavairara yakakiiwa uye bhara nedemo zviripo nehuni shoma. Ndakangoti vainge vatizisana.

“Mushure memazuva, ndipo pakazowanikwa chitunha chaClarah musango chatoora apondwa nemunhu uyu akauya kwandiri achiti aida kuroora mwana wangu,” amai ava vanoudza Kwayedza.

Mhuri iyi inoti yakamirira kuti hama dzaBryn dzinoripa ngozi yekuuraiwa kwakaitwa Clarah.

“VekwaMupaiki kana vachida kutaura nesu vanoridza nhare panhamba dzinoti 0773 773 353 kana 0784 690 254 nekuti tine zvatiri kuita sevanhu vatema, munhu haauraiwe sehuku,” vanodaro Mai Mutondoro.

Naume Mupandawana (45), uyo anova mukoma waClarah, anoti mhondi iyi yakatora nhumbi dzose dzemunin’ina wake dzaiva dzakaiswa mumazibhegi matatu nemagumbeze matsva maviri.

“Tinodawo kuziva kwaakaisa mbatya idzi nekuti akasiya madzoto pambatya dzemunin’ina wangu,” anodaro Naume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey