Uncategorized

WETI WAAA MUKANWA MECHITUNHA

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
WETI WAAA MUKANWA MECHITUNHA

Kwayedza

Sukoluhle Ndlovu
MUDZIMAI wekuGokwe ane makore 70 okuberekwa akashamisa vanhu vaive parufu ikoko apo akaitira weti mukanwa mechitunha chemuvakidzani wake — uyo akangodonha ndokufa — achiti aizviitira kuti amuke.

Muvakidzani uyu ainge angodonha ndokubva afa pakarepo apo akange anangwa huroyi nemudzimai wekuzomuitira “wiwi” mukanwa uyu apo vainge vari parufu rwemumwe mwana achimuti ndiye akange amuuraya.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Nembudziya apo Maidei Mamombe – uyo anogara mubhuku raMandawa – akatongwa nemhosva yekuitira weti mukanwa mechitunha chaTaizivei Mugigo.

Mambo Nembudziya vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakashamisika zvikuru nezvakaitwa nemudzimai uyu pazere vanhu.

“Mudzimai uyu akaitira weti chitunha achiti aida kuti mushakabvu amuke,” vanodaro mambo.

Mambo Nembudziya vanoti Mamombe akanetsana naMugido vari parufu rwemumwe mwana aive nemakore 10 okuberekwa apo Mugido akanangwa kuti ndiye akange amuroya.

“Madzimai maviri ava vakatadza kunzwisisana vakapedzisira vave kukandana mashoko makobvu nematete. Pavaikakavadzana, Mamombe akapomera muvakidzani wake Mugido kuti ndiye akange aroya pamwe nekuuraya mwanakomana aive nemakore 10 okuberekwa apo vaviri ava vaive parufu rwemwana iyeyu,” vanodaro.

Mambo vanoenderera mberi: “Mugido akakahadzika nekurwadziwa zvikuru nekunangwa huroyi kwaainge aitwa zvikaita kuti apunzike pasi apo akanorovera musoro wake padombo raive pedyo.

“Vamwe vanhu vaive parufu urwu vakazama kufefemutsa mukadzi uyu vachimudira mvura muviri wake asi hapana zvazvakabatsira.

“Pakarepo, Mamombe akabva ashamisa muromo wechitunha chaMugido, ndokuitira weti mukanwa achiti aida kuti mufi amuke apo vamwe vanhu vose vaive parufu urwu vainge vakatarisa.”

Mambo Nembudziya vanoti mukadzi wekudonha parufu uyu akazoendeswa kuchipatara uko vanhu vakasvika vachiudzwa kuti Mugido akange atofa kare.

Vanoti vakazoyambira Mamombe kuti asiyane nehunhu hwekuitira weti mukanwa memunhu anenge achifungidzira kuti pamwe afenda sezvo katsika aka kakarambidzwa mudunhu ravo kare-kare.

“Zvaakaitaizvi zvaisiitwa kare-kare asi zvino zvakarambidzwa. Akaita zvaakaita mushure mekunge avhundutswa zvikuru, nekudaro hazvina kukodzero kuti apihwe mutongo wakaomarara nedare,” vanodaro Mambo Nembudziya.

Share This:

Sponsored Links