Uncategorized

Weti yegudo ‘chamvari’

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Weti yegudo ‘chamvari’

Kwayedza

— ‘Mupfuhwira wakapenga’ — ‘Asi zvine matambudziko’
Muchaneta Chimuka —

MUNYAYA inoshamisa zvikuru, vamwe vanhu — varume nevakadzi —vanonzi vari kuita chipata-pata kutenga weti yegudo pamusika vachinzi inobatsira vanodanana kana vari “muimba huru”.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokuona kuti weti yegudo iri kutengeswa muHarare nekuChitungwiza. Dzimwe dzenzvimbo dziri kutengeswa weti iyi dzinosanganisira pamusika wembatya uri paCharge Office nekuCopacabana muHarare uye paMakoni Shopping Centre kuChitungwiza.

Pepanhau rino rakazvionera apo vamwe vakadzi vakatenga yainzi iweti yegudo pamusika wemabhero uri pedyo neHarare Central Police Station (Charge Office).

Weti iyi yaitengeswa nemumwe mukomana wechidiki uyo aiishambadza pajekerere achiti, “Weti yegudo, weti yegudo! Huyai mutenge nepondo chete muchengetedze dzimba nekuti nyika yaipa iyi.”

Kwayedza haina kuwana mukana wekuita hurukuro nemukomana uyu, uyo aiva nechipepa chaiva nevhu raanoti akaritora pachiro panoitirwa weti nemakudo kwaMurehwa.

“Chimbomirai zvekutaura neni, muchandikanganisira makasitoma angu, kunze kwekunge muchidawo kutenga. Ino iyi ndeye chokwadi nekuti ndakatobva nayo pachiro chiri mugomo kwaMurehwa,” anodaro mukomana uyu achindonyera mari muhomwe yaainge atengerwa.

Mushure menguva diki, ivhu riye rainzi rainge riine weti yegudo rakange rapera kutengwa uye mukomana uyu akabva angotsakatika panzvimbo iyi.

JOYCE NHAMBURO

Kwayedza yakazoita tsvakurudzo pamusoro peweti yegudo ikanzwa zvikukutu.
Mbuya Joyce Nhamburo, avo vanova mutevedzeri wemutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemachechi — reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) — vanoti weti yegudo inoshandiswa semupfuhwira.

“Weti yegudo inoshandiswa zvose nevarume nevakadzi mukupfuhwirana nekuda kwekuti gudo hariitire weti yaro pese-pese. Nokudaro murume kana mukadzi anenge apfuhwirwa haazodanani kana kuita bonde nemunhu wese-wese — anongomirira munhu mumwe chete,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti weti yegudo haisi nyore kuiwana sezvo makudo achigara akarindira pachiro paanoitira weti.

“Semaonero angu, vanhu vari kungozara vachitengesa yavanoti iweti yegudo asi inogona kunge iri yemanyepo nekuti haiwanikwe nyore. Makudo anogara pachiro akawanda uye paanofamba anosiya rimwe kana mamwe makudo akachengetedza chiro. Chiro haisi nzvimbo iri pamhene — pane bako kana sango — zvekuti kunze kwemakudo, panogonawo kugara nyoka huru serovambira, nokudaro panotoda vakashinga kusvikapo,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Itai Bakasa, vanove mumwe wevatevedzeri wemutungamiriri weZINPA, vachiti weti yegudo inoshandiswa semushonga wemusana – kunyanya nevanhurume.

“Varume vanoitora asi ari mavhu epainenge yaitirwa paye, vonyika mumvura vozonwa. Makudo haanete panyaya dziya dziya, zvimwe chetezvo nemurume anenge anwa weti yegudo,” vanodaro.

Bishop Gibson Kasekete vanotungamirira chechi yeKuratidza Kwevapositori vanoti vanhu vanoshandisa weti yegudo vanofanira kuva nehunyanzvi hwekuziva kuti ndeye chokwadi here.

“Zvave kuda machiremba anoita ongororo kuti paonekwe kuti weti yegudo iri kutengeserwa vanhu ndeyechokwadi here kana kuti kwete. Nekuti vanhu vanodyiswa tsvina vakarwara vachifunga kuti vari kuchengetedza dzimba. Zvinoda kuziva chipimo chakakodzera pakushandisa nekuti vanhu vanopara mhosva dzekubata chibharo vaiwanza.

“Ini chandinoziva weti yegudo ine munhuhwi wayo wakasiyana newedzimwe mhuka. Ivhu rinenge raitirwa weti iyi rinenge richiita kunge rine namo uye hariomi kuti gwa asi kuti rinosara rakangoita sekunge rine mwando – kunyangwe kukapisa sei,” vanodaro.

Mbuya Jane Kaguvi Dhikwa (65), avo vanove murapi wechivanhu vachibva kuBinga vanotiwo vanoshandisa weti yegudo mukurapa uye pane vanhu vanodzoka vachivatenda mushure mekuona shanduko muwanano dzavo.

“Ndine madzimai nevarume vandakabatsira neweti iyi uye dzimba dzavo dzakamira,” vanodaro Mbuya Dhikwa.

Vanoti kuBinga vanowana weti yegudo mumakomo uye sesvikiro, vane nzira dzavanoshandisa kunoitora pasina kusangana netsekwende sekurwiswa nemakudo kana kurumwa nenyoka.

“Ini ndinayo yechokwadi nekuti munzvimbo mandinogara mune makudo akawanda. Kana vanhu vakashandisirwa weti yemanyepo hapana chinobuda,” vanodaro.

Mbuya Dhikwa vanotsanangura mashandisirwo anoita weti iyi.

“Tinotora weti yegudo toisanganisa nemimwe mishonga, toita kuti mudzimai aipfeke kusikarudzi kwake. Varume vanoinwa kuti vasaite dambudziko remusana.

“Inobatsira zvakare madzimai achangobva mukusununguka nekuti inodzoreredza nyama dzesikarudzi nekusuka tsvina muchibereko kuti vasaite zvimimba muteku.”

Asi chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanokurudzira vanhu kuti vaende kuzvipatara kana vachinge vaita zvirwere kuitira kuti vaongororwe nekurapwa nekukasika panzvimbo yekunwa weti.

“Zvinhu zvese zvinoraswa nemiviri yevanhu kana yemhuka zvinoreva kuti zvinenge zvakashata saka hazvikodzere kudyiwa kana kunwiwa nekuti zvinomutsa zvirwere. Kana vanhu vaita matambudziko ehurwere, zvakakosha kutanga vaenda kuchiptara kunovhenekwa kuitira kuti varapwe chirwere chisati chakomba,” vanodaro.

DR FRIDAY LAWRENCE GOBAH

Mumwe chiremba wechivanhu, Dr Friday Lawrence Gobah – vanove nutritherapist kuRestore Natural Health, rinova sangano rinotengesa mishonga yechivanhu inobva kuMalawi – vanoti:

“Tinoda kuti vanhu vangwarire kutengeserwa weti yedzimwe mhuka vachinzi ndeye gudo. Murapi chaiye anofanira kunge akanyoreswa zviri pamutemo kuti ange achiita basa rake kwete kungofamba mudhorobha achidaidzira mishonga. Imhosva iyoyo.

“Isu tiri sangano rakanyoreswa zviri pamutemo kuti tishandise mishonga yechivanhu nekuti takaona kuti haina zvimwe zvinhu zvinokuvadza mushure mekuishandisa (side effects). Iko zvino mawana tisina weti yegudo, tingadai takuratidzai yechokwadi uye yakavhenekwa,” vanodaro.

Vanotsinhira kuti weti yegudo inosimbisa musana kuburikidza nekuvhura kwainoita tsinga dzemuviri.

“Kune zvimwe zvirwere zvakadai seBP kana shuga zvinoita kuti munhu adzikire mahomoni anoita kuti afarire bonde saka weti iyi tikaisefa nemvura yakachena, munhu anoinwa ichimubatsira kubvisa tsvina dzemumuviri dzinoita kuti musana urwadze. Ropa rinobva ratangisawo kufamba zvakanaka,” vanodaro.

Dr Gobah vanokurudzira vamwe varapi vechivanhu kuti vaendese mishonga yavo kunovhenekwa kumarabhoritari senzira yekuchengetedza upenyu hwevanhu.

Zvakadai, mamwe madzimai anoshandisa mishonga iyi, ayo akaramba kudurwa nemazita, vanoti vanoshandisa weti yegudo mune zvakasiyana.

Vanoti vanogona kuipfeka sezvinoitwa nemadororo ehanga zvakasanganiswa nemaremoni ane munyu.

“Ini ndakange ndatove chituko mumba nemurume nekuti ndaingobuda mvura kubva pandakasununguka. Saka pandakapfekawo muto wemaremani neweti yegudo ndakaona shanduko uye muviri wangu wava kudziyawo,” anodaro mumwe mudzimai wekuChitungwiza.

Vamwe vasikana avo vanoita mabasa echipfambi vanoti vanotoenda kun’anga kunotsvaga weti iyi vachiitira kufadza varume.

“Vamwe varume vevanhu tinotoita zvekudzinga apo vanenge vave kuda kurambira mudzimba dzedu nekuti tinenge tiri pabasa ivo vanenge vave kufunga zvekuroora,” anodaro mumwe akangozviti Julia asi achigara mumaAvenues, muHarare.

Mutengo weweti yegudo muHarare neChitungwiza unori pakati pe$2 kusvika ku$30 zvichienderana nehuwandu uye mishonga inonzi inenge yakaiswamo.

Zvisinei, VaAmon Mpofu vanove Monitoring and Evaluation Director kusangano reNational Aids Council (NAC) vanoshora tsika iyi vachiti inoita kuti madzimai ave nyore mukutapururirwa utachiona hweHIV.

Dr Caroline Maposhere vanova nyanzvi inoona nezveutano hwesikarudzi (Reproductive Health, HIV and AIDS Coordinator) vachishandira masangano akasiyana vanoti kuisa mishonga kunokanganisa masikirwo evanhu.

Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana gore radarika inoratidza kuti chikamu che80% chemadzimai muZimbabwe vari kutarisana nedambudziko rezvirwere zvenhengo yesikarudzi (vaginal candidiasis) kusanganisira vakavhenekwa nevasina.

Share This:

Sponsored Links