WFP yobatsira 4,1 miriyoni nechikafu

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reWorld Food Programme rinoti rine hurongwa hwekupa chikafu kuvanhu vari kutambudzwa nenzara vanosvika 4,1 miriyoni munyika muno uye rubatsiro urwu ruchapihwa kwemwedzi mitanhatu inotevera.

WFP inoti inoda US$212 miriyoni yekuti itenge matani 200 000 echikafu uye ine chivimbo chekuti vamwe vatsigiri pamwe neHurumende vachapindira kuitira kuti vanhu vawane chikafu.

Zimbabwe, sedzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern Africa, iri kutambudzwa nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze ayo ari kukonzera nzara.

Sangano reWFP rinoti vanhu 5,5 miriryoni vekumaruwa vari kuda rubatsiro rwechikafu rwechimbi-chimbi kubva mumwedzi waNdira kusvika Kubvumbi.

Ongororo yakabva mukuitwa mumaguta inoratidza zvekare kuti vanhu 2,2 miriyoni vari panyatwa yekushaya kudya.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau nomusi weChishanu chadarika, Muzvare Valerie Guarnieri vanova Assistant Executive Director kuWFP vanoti sangano ravo riri kuita zvirongwa zvakasiyana zvekuwanisa rubatsiro kuvanhu 4 miriyoni vekumaruwa uye 100 000 vemumaguta.

WFP mumaguta iri kubatsira vagari vekuEpworth kuburikidza nekuvatumira mari iyo vanozoshandisa mukutenga chikafu chinosanganisira upfu, mafuta, shuga uye nesipo.

Sangano iri rava kubatsira zvakare vagari venzvimbo iyi mumabhindauko ekurima howa senzira yekuti vasangova vanhu vanomirira kuwaniswa rubatsiro rwemari nguva nenguva asi kuti vakwanise kuzviriritira pachavo apo vanorima vachitengesa.

“Tiri kuona chirongwa chekurima howa chiri kufambira mberi zvakanaka muEpworth.  Pamusoro pazvo, tiri kuvapa rubatsiro rwechimbi-chimbi. Tinoda kuti vanhu vekumaruwa nemumaguta vavewo nezvakadai semadhamu emadiridziro zvinova zvinosimudzira nyaya dzekurima, kuchengeta zvipfuyo uye kuita mabindu emiriwo yakasiyana nekuti ndizvo zvinobatsira mukuderedza nzara,” vanodaro Muzvare Guarnieri.

Vanoti sangano reWFP riri kubatsirikana zvikuru kubva kuvatsigiri vakasiyana uye mushandirapamwe wakanaka neHurumende.

“Tinoda kuti tirambe tichiwana rutsigiro kuitira kuti vanhu vakawanda vabatsirikane. Ndakasangana nevanhu vakawanda vatiri kubatsira vakati vari kuwana US$9 paimba iyo vanoshandisa mukutenga chikafu chemhuri chemasvondo matatu pamwedzi wavanenge vapihwa,” vanodaro.

Chirongwa chekupa vanhu mari chakatanga mumwedzi waZvita uye chiri kutarisirwa kuenderera mberi kwemwedzi gumi nemisere inotevera.

Zvakadai, sangano reFood and Agriculture Organisation (FAO) rakabatana neWFP vari kuita ongororo yezvirimwa uye mamiriro echikafu munyika muno.

Pane tarisiro yekuti kana vanhu vakakohwa mumwedzi waKubvumbi dambudziko rezvekudya rinogona kuderera munyika.

Kuburikidza nerutsigiro rwuri kuwaniswa, sangano reWFP riri kutarisira kubatsira vanhu 3,5 miriyoni mwedzi uno asi kana richinge rawana rutsigiro rwakakwana rine hurongwa hwekubatsira vanhu 4,1 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links