Uncategorized

WFP yobatsira vanotambura

05 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
WFP yobatsira  vanotambura Vanhu vari kubatsirwa neWFP muZimbabwe.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reUnited Nations World Food Programme (WFP) rakatanga chirongwa cheUrban Social Assistance Programme chekubatsira vagari vemumadhorobha nemari yekuti vabatsirike kurarama.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reUnited States Agency for International Development (USAID).

Rubatsiro urwu rwuchaona mhuri dzinotambura mumadhorobha, idzo dziri kunetseka kuwana zvekudya zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19, dzichiyamurwa.

Vachabatsirwa pasi pechirongwa ichi vanodarika 103 000 uye vanosanganisira vagari vekuGokwe, Redcliffe, Kwekwe, Ruwa, Chinhoyi, Buhera, Chipinge neChegutu.

Munhu mumwe nemumwe achapihwa US$12 pamwedzi kuti akwanise kutenga chikafu chishoma chinomubatsira.

Vanhu vachawana rubatsiro urwu vanosanganisira vanotambura uye vasina chokudya, madzimai, vanhu vasiri mumabasa, vanotambudzwa nezvirwere zvinoda mishonga nguva nenguva seHIV neBP nevakaremara.

Sangano reWFP rinoti kusvika kupera kwegore rino, vanhu 8,6 miriyoni vanenge vachida rubatsiro rwezvekudya munyika yose.

VaArt Brown, avo vanova USAID Mission Director muZimbabwe, vanoti vacharamba vachibatsira vanotambura panguva yekuomerwa.

“Ticharamba tichitsigira vanhu vanotambura napose patinogona. Pamusoro peUS$10 miriyoni, takatumira zvekare mari vanhu vanodarika 103 700 vari mumaguta masere munyika kuti vabatsirikane. Tiri kupa zvekare chikafu chinokosha mari inodarika US$60 miriyoni icho tiri kugovera kuvanhu vanodarika 1 miriyoni kumaruwa panguva iyo mwaka wekurima usati watanga,” vanodaro.

VaBrown vanoenderera mberi vachiti, “Munguva ino yechirwere cheCovid-19, tinokoshesa zvekare utano hwevanhu. Ndiko kusaka tichivapa chikafu kuitira kuti miviri yavo irambe yakagwinya igokwanisa kurwisa zvirwere.” vanodaro VaBrown.

Francesca Erdelmann, uyo anova Country Director wesangano reWFP muZimbabwe, anoti Covid-19 yakanganisa upenyu hwevagari vemumadhorobha.

“Taisimbobatsira vagari vekumaruwa asi pari zvino tava kubatsira zvekare nevemumaguta sezvo vakashungurudzwa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19. Tinotenda USAID nerutsigiro rwavanotipa munguva yakadai,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links