WFP yotsigira madhumeni 6 000 nemakombiyuta 

21 May, 2023 - 10:05 0 Views
WFP yotsigira madhumeni 6 000 nemakombiyuta  Prof Jiri (kurudyi) naVaRoberto Borlini (vechitatu kubva kuruboswe) nevamwe vachiratidza makombiyuta akapihwa kumadhumeni nesangano reWorld Food Programme.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa rakawaniswa rutsigiro rwemakombiyuta (android tablets) anosvika 635 ayo achabatsira madhumeni 6 000 mukudzidzisa vatungamiriri vevarimi kumatunhu mana enyika kuti vafambirane neruzivo rwechizvino-zvino munyaya dzekusimudzira kurima.

Vachitaura svondo rapera pakutambidzwa kwemidziyo iyi kumadhumeni kumahofisi esangano reWorld Food Programme (WFP), Professpr Obert Jiri vanova Chief Director kubazi rezvekurima kuchikamu cheAgriculture Rural Development and Advisory Services (ADAS) vanoti rubatsiro urwu rwuchaita kuti kufambiswa kwemashoko pakati pevarimi kuve nyore.

“Tinotenda zvikuru rutsigiro rwatiri kuwaniswa nesangano reWFP rwunoita kuti tikwanise kubvisa mukaha wanga uripo panhau dzekufambiswa kwemashoko, zvikuru kuvanhu vanoita mibato yavo vakazvimiririra vakadai sevarimi. Ongororo dzinoitwa nyore uye mashoko anofambiswa nyore kuvarimi vakasiyana pasina kudhurirwa nezvifambiso nekuda kweindaneti. Kuvapo kwemidziyo inoshandisa indaneti iyi kuchabatsira varimi kuti vawanikwe vachipangana mazano mukati menguva diki,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti sangano reWFP rine hukama hwebhandi nebhurugwa nemadhumeni eAgritex zvinova zviri kusimudzira nyaya dzekurima nemhuri pasi pechirongwa cheIntegrated Small Grain Project (ISGP) .

“Chinangwa chikuru ndechekuderedza kurasikirwa kunoitwa nevarimi goho ravo nekuda kwekushaya ruzivo, kunyanya panyaya yekukohwa nekuzochengetedzwa kwegoho ravo mumatura. Ibasa remadhumeni kuti tikushe ruzivo urwu kuvarimi vepamberi kuti vazorwupakurira kune vamwe varimi vari pasi. Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, tinoona paine basa guru rinoda ongororo kuvarimi kuti vagare vaine chenjedzo,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvekurima inoratidza kuti zvirongwa zvekudzidzisa varimi zvakakosha uye zviri kuunza shanduko huru munyaya dzekurima.

Mukati memwaka wegore ra2021-22, varimi vanosvika 6 000 vakatsigirwa nezvekushandisa uye dzidziso yekurima izvo zvakaona goho ravo repakati nepakati richiwedzera kubva pamatani 0,25 pahekita kuenda pamatani 0,6 pahekita.

Prof Jiri vanoti varimisi vachawaniswa zvekare midziyo inobatsira mukucherechedza mamiriro ekunze.

VaRoberto Borlini vanova Head of Programme kusangano reWFP vanoti ruzivo rwakawanda maringe nekurima uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo rwuchava nyore kuunganidza kuburikidza nemidziyo yemakombiyuta aya zvinova zvichaita kuti nyika ive nemaguta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>