WFP yotsigira vanhukadzi

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
WFP yotsigira vanhukadzi Sangano reWorld Food Programme rinoti riri kushanda nemadzimai nevanasikana muchirongwa charo chekupedza nzara panosvika gore ra2030 kuburikidza nekuvatsigira mumabhindauko akasiyana anosanganisira kurima muriwo vachitengesa.

Kwayedza

Phillipa Chinhoi-Mukome
SANGANO reWorld Food Programme rinoti riri kutungamidza madzimai nevanasikana muchirongwa charo chekupedza nzara panosvika gore ra2030 kuburikidza nekuvatsigira mumabhindauko akasiyana anosanganisira kurima muriwo vachitengesa.

Muchinyorwa chakabva kusangano iri pazuva rekupemberera kukosha kwevanhukadzi pasi rose reInternational Women’s Day svondo rapera, chamangwiza weWFP – VaDavid Beasley – vanoti vanhukadzi havafanirwe kusiiwa muzvirongwa zvine chekuita nekubudiriro yenyika.

“Zuva reInternational Women’s Day rinotirangaridza kuti basa rinobatwa nevanhukadzi rakakosha mukuvaka nyika ine runyararo, budiriro uye maguta.

“Pasi rose, zvirongwa zveWFP zvinobatsira kusimudzira vanhukadzi kuti vave nemikana yakawanda uye nekuti zvisangobatsira ivo chete asi nemhuri dzavo,  nharaunda nenyika yavo,” vanodaro VaBeasley.

Vanoenderera mberi vachiti, “MuZimbabwe, WFP iri kushanda nevanhukadzi vakasiyana ichivasimudzira muzvirongwa zvinosanganisira zveFood Assistance for Assets Programme mumabindauko avari kuita anosanganisira kurima muriwo uye nevakuvandudza nzvimbo dzavanoshandira nekugara.”

VaBeasley vanoti WFP iri kuyedza nepose painogona kuti vanhukadzi vawaniswe mikana yakaenzana nevanhurume pane zvose zvavanenge vachiita.

“Kuburikidza nekushanda nevanhukadzi vane zvigaro zvakasiyana uyewo nekuvatsigira zvizere, WFP iri kuvasimudzira pamwe chete nekuchengetedza kodzero dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links