Uncategorized

Wokundwa nembwa kuita zita rakanaka

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
KUPA chinhu zita kunochipa simba. Kana makombi nemabhazi anopihwa mazita. Ko iwe zita rako rinorevei? Izita rekuti kana ukashevedzwa pane gurumwandira revanhu unonzwa richipupumisa mwoyo wako here?

Tine mazita akanyanya kuwandirwa. Mazita akafanana neaya: Peshi, Nyasha, Lisa, Takudzwa, Sharon, Tafadzwa, Tatenda, zvichienda zvakadaro.

Tinopihwa mazita nevabereki kana nehama. Vamwe vanotipa mazita kuti tigoita mabasa akafanana neemuridzi wezita ratinenge tapihwa – pamwe izita raMbuya kana remhare yakararama pane imwe nguva.

Arikowo mazita anopihwa nekuti panguva iyoyo pane zviitiko zviri kuitika zvinotuma kuti vanhu vape mazita ane chekuita nazvo. Panguva yehondo yeAmerica neIraq kune vana vakapihwa mazita ekuti Sadam.

Mazita edu anowanzoperekedzwa nemazita emhuri. Tinoziva kuti Donald ndewe kwaTrump, Sunday ndewe kwaChidzambwa, Thomas ari wekwaMapfumo. Mukurarama, tinodaira kumazita edu uye tinodada nemazita edu kusara kwevashoma vakatumidzwa mazita nevabereki vakanga vakagumbuka: Nhamo, Shame, Doubt, Chiramwiwa, Sekesai, Shorai, Punishment nemamwewo.

Asi iwo mazita anogonawo kurambwa nevaridzi vawo vachida mamwe mazita anoshamisira, mazita anenge aya: T1, Widzo, Rasta, Tocky Vibes, Ex Q, Killer T, Winky D, Pastor G, Shinsoman, Busy Signal zvichienda zvakadaro.

Mazita ane mabasa aanoshambadza, asi mazita edu atiinawo atakapihwa nevabereki kana nehama anogona kunge asiriwo mazita edu. Zita rauri kuti nderako rinogona kunge richivhariridza zita rako chairo.

Ndinofunga munhu akaita saSimoni Johani muBhaibheri.

Kumba kwavo aingonzi Simoni, kubasa kwake achibata hove aingonzi Simoni. Mukoma wake Andrew aingomuti Babamunini Simoni. Andrew paakaziva kuti Jesu ndiani, akamutevera, asi akaendawo kunotsvaga mwana wamai vake Simoni.

Nyaya yacho inotsanangurwa sezvizvi: “Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi (ndiko kuti kana zvichishandurwa, Petro).”

Jesu paakatanga kuona Simoni akamuchingamidza nekumuudza zvaaiziva nechekare kuti ainzi Simoni uye ari mwanakomana waJohani. Kutaura kwaJesu kunotiudza kuti nyangwe zviite sei, Jesu anoziva kuti isu tisu vana ani uye vabereki vedu ndevapi.

Asi nyangwe Jesu achitiziva mazita edu neevabereki vedu, pane rimwe zita raanogona kutipa risiri ratagara tichishevedzwa naro. Mazita edu atagara tichishevedzwa ane hunhu hwawo nezvaanoreva, asi Jesu anokupa zita idzva rine hunhu husiri hwevanhu asi rine hunhu hwedenga.

Zita rakapihwa Simoni rekuti Kefasi kana kuti Petro rinoreva dombo. Munguva iri pamberi Simoni akazove mudzidzi waJesu. Petro akasvika paakapa mhinduro kumubvunzo wakabvunzwa naJesu kuti “Vanhu vanoti ndini ani?”

Petro akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu achibva amuudza kuti “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nekuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nemunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi.”

Zita raPetro rekuti Simon rakanga riri rekumba, asi zita raakazopihwa naJesu rekuti “Dombo” raive rekukundisa Satani. Dombo haritsukunyuke kana kupwanyika zvekumhanya. Dombo rakaoma uye nesu tiri kurarama munguva dzakaoma, asi ngative matombo.

Saka iwe unonzi ani? Ko vamwe vanokupa mazita api? Ko wakambobvunzawo Jesu kuti anokuti ani here? Usakundwe nembwa ine zita rakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>