World aids Day yadongorera

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
World aids Day yadongorera

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
GADZIRIRO dzemhemberero dzeWorld AIDS Day 2018 dzave padanho repamusoro-soro uye sangano reNational Aids Council (NAC) iro riri kuronga mhemberero idzi rinoti dzichabudirira zvikuru.

Mhemberero idzi dzichaitwa nomusi waZvita 1 paRujeko Secondary School kuGlendale kuMazowe, mudunhu reMashonaland Central. Dunhu iri rakasarudzwa kuti ringe richiitirwa mhemberero idzi nekuti rine huwandu hwevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV hwakanyanya hwe18,6 percent hunova hwakadarika huwandu hweHIV muZimbabwe yese hunova huri pa14 percent.

Dingindira regore rino rinoti: “Ziva paumire” zvichitevera huwandu hweHIV munyika.

Kunze kwekukurudzirwa kuti vazive pavamire, vanhu vari kukurudzirwa zvakare kuti vange vachivhenekwa zvimwe zvirwere zvakadai serurindi, zvepabonde nezvimwe zvisina zviratidzo zvinooneka, zvikuru sei gomarara.

Avo vari kurarama neutachiona hweHIV, vanofanira kuziva huwandu hwemasoja emumuviri mavo (CD4 Count).

Kuziva izvi kunobatsira kuti Zimbabwe inge ichizadzikisa zvinangwa zvayo zve90-90-90 mugore ra2020 nekupedza AIDS muna2030.

 Zvinangwa izvi zvinorwira kuona kuti munhu wese ari kurarama neutachiona hweHIV aziva paamire uye awaniswa mishonga inorwisa HIV pamwe nekuderedza huwandu hweutachiona mumuviri.

Sangano reNAC nevatsigiri varo richaramba richitsigira kurwiswa kweHIV munyika kuburikidza nekuvheneka, kupanga mazano, kuchecheudzwa kwevarume, kurapwa kweHIV, kubvisa nyaya dzerusarura, mhirizhonga pamwe nekushandiswa kwemakondomu, kudzivirira kutapurirwa kweutachiona huchibva kuna amai huchienda kumwana, pakati pezvimwe.

Africa yese neZimbabwe yakabatana neNAC vari kurwisa kupedza AIDS muna2030.

Kune vatsigiri vakawanda kwazvo avo vari kuratidza chido chekuti vange vachinoratidzira zvinhu zvakasiyana pamhemberero idzi.

 Muzvare Evelyn Chamisa vanova imwe yenhengo dziri kuona nezvekurongwa kwemhemberero idzi padanho renyika yose vanoti vanovimba kuti dzichabudirira zvikuru.

“Gore rino tiri kuda kuita zvine musiyano uye vanhu vachawana ruzivo rwuzere maringe neHIV,” vanodaro.

Moren Masanzu wekuGlendale anove mumwe wevarongi vechiitiko ichi mudunhu reMashonaland Central anoti anofara zvikuru nedingindira rakasarudzwa gore rino uye anokurudzira vanhu kuti vasatya kuziva pavamire senzira yekurwisa kupararira kweHIV.

Dunhu reMashonaland Central rine huwandu hwevanhu hunosvika pa99 000 vari kurarama neutachiona hweHIV uye utachiowana hutsva huri kunyuka pagore huri 2 940.

Mhemberero idzi dzinoitwa mumatunhu akasiyana gore negore uye gore rapera dzakaitirwa kuBulawayo apo muna2016 dzikaitwa kuKwekwe mudunhu reMidlands.

Kuchava nekubatidzwa kwemakenduru ekurangarira vanhu vakatisiya nekuda kweHIV (Candlelight Memorial) pakati pezvimwe zviitiko pamhemberero idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey