World aids Day yopembererwa

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
World aids Day yopembererwa

Kwayedza

MHEMBERERO dzezuva guru reWorld AIDS Day idzo dzinoitwa pasi rose nemusi wa1 Zvita dzasvika uye Zimbabwe ichaita mhemberero huru kunhandare yeWhite City Stadium, kuBulawayo.

Zvakakosha kuti tirambe tichiyeuchidza vaverengi nezvezvirongwa zvegore ra2016/17 World AIDS Campaign izvo zvine dingindira rinoti “Kuvhara maburi matsva anounza utachiona hweHIV”.

Utachiona hutsva huchiri kuramba huchitapurirwa zvinotyisa.

Zviri paLogo yeWorld AIDS Day ndezvinotevera:

Kuvhenekwa kweHIV

Kudzivirirwa kweutachiona hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana

Kushandiswa kwemakondomu

Kuchecheudzwa kwevanhurume vakazvipira

Kurwisa nyaya dzerusarura

Kurwisa nyaya dzemhirizhonga

Kuwaniswa kwemishonga yepaPre-Exposure Prophylaxis inoshandiswa mukudzivirira kutapurirwa kweHIV.

Pombi:

Pombi inoreva kunobva HIV kunova kunofanira kuvharwa kuburikidza nekushandisa nzira dzedziviriro dziripo.

Donhwe remvura:

Rinoreva utachiona hutsva hweHIV.

Zvinhu zvakakosha zviri paLogo:

Danho rekutanga:

Kuvhenekwa HIV kwakakosha mukuderedza kupararira kweutachiona.

Zvakakosha kuti unge uchiziva mamiriro akaita munhu munhau dzeutachiona hweHIV. Kuziva mamiriro emunhu kunobatsira kuti pazivikanwe kuti zvii zvingadiwe kuti ange achiwana rubatsiro rwunokodzerana naye.

Kana munhu aine utachiona hweHIV, zvakakosha kuti ange achipinzwa pachirongwa chekuti awaniswe mishonga yemaARVs.

Pamusoro pezvo, kana munhu achinge awanikwa asina utachiona, zvakakosha kuti ange achishandisa dziviriro uye kuregedza kupinda pabonde zvachose kana kuva nemudikanwi mumwe chete akavimbika.

Zvakadai, kana munhu aine utachiona hweHIV, zvakakosha kuti atore mishonga yake yemaARVs kuti ange achirarama zvakanaka.

Danho repiri:

Kushandiswa kwemakondomu

Kushandiswa nemazvo kwemakondomu kwakakosha mukudzivirira zvirwere zvepabonde, kusanganisira HIV. Makondomu anodzivirira zvakare zvirwere zvakadai seZika neEbola. Kushandiswa kwemakondomu nguva dzose kunodzivirira pamuviri.

Danho retatu:

Kudzivirirwa kweutachiona hweHIV kubva kuna amai huchienda kumwana.

HIV inogona kutapurirwa kumwana ichibva kuna amai panguva yekusununguka nepakuyamwisa asi izvi zvinogona kudzivirirwa kuburikidza nechirongwa cheOption BPlus apo amai vakazvitakura vanopinzwa pachirongwa chekutora mishonga yemaARVs zvisinei nekuti CD4 count yavo inenge ichikakwira.

Danho rechina:

Kuchecheudzwa kunova kubviswa kwerukanda rwekunze rwenhengo yemunhurume kunobatsira mukuderedza utachiona hweHIV uye gomarara rechibereko kumadzimai.

Kuchecheudzwa kwevarume kwakaonekwa nesangano reWHO uye UNAIDS kuchibatsira mukuderedza kutapurirwa utachiona hweHIV nechikamu che60 percent.

Kuchecheudzwa kunofambiranawo nedzimwe nzira dzekudzivirira utachiona hweHIV dzinoti kuvhenekwa nekupangwa mazano, kushandiswa kwemakondomu emadzimai neevanhurume, kurapwa kwezvimwe zvirwere zvepabonde, kutsigirwa kwebonde rakachengetedzeka.

Danho reshanu:

Kubvisa rusarura rwese kunobatsira mukurwisa utachiona hweHIV sezvo kunoita kuti munhu wese ange achisununguka kuenda kunovhenekwa pamwe nekubuda pachena kuitira kuti nyika izadzikise chinangwa chayo che90 90 90 mugore ra2030 apo chikamu che90 percent chevanhu chinotarisirwa kuti chinge chiri pachirongwa chekuwaniswa maARVs.

Danho rechitanhatu:

Kurwisa mhirizhonga pakati pemadzimai nevasikana kunobatsira mukuderedza kutapurirwa utachiona hweHIV. Nemasikirwo avo, madzimai ndiwo ari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV. Havana masimba maringe nenyaya dzedziviriro, zvikuru sei pabonde rekumanikidzirana izvo zvinoita kuti vasare vaine mavanga panhengo dzavo ayo anoita kuti utachiona uhu huve nyore kupinda mumuviri wavo.

Danho rechinomwe:

Kusandura maitiro:

Maitiro evanhu anofanira kusanduka kuti HIV neAIDS zvinge zvichiderera, zvikuru kuvanhu vari panyatwa yekutapurirwa kana kutapurira vamwe utachiona sevanotevera.

Vanhu vari murudo rwedandemutande kana kuti vane vadikanwi vakawanda.

Vanhu vasingashandise dziviriro yekondomu mamazvo nguva dzose.

Kusaenzana kwemikana pakati pevarume nemadzimai

Vechidiki vanokasika kupinda munyaya dzepabonde.

Kusazvipira kuchecheudzwa kwevanhurume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey