World Cup: Chabvondoka

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
World Cup: Chabvondoka

Kwayedza

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kutanga musi weChina apo pasi rose richange rakatarira kunyika yeRussia uko kuri kutambirwa mutambo weFifa Wold Cup 2018.

Mutambo uyu ndiwo mukuru pasi rose wenhabvu nekudaro Kwayedza yakaita ongororo yemitambo yekutanga yezvikwata zvakasiyana izvo zviri kutamba gore rino.

Mutambo wekutanga uchaona Russia – iyo inenge iri pamusha payo – ichisangana neSaudi Arabia kunhandare yeStadion Luzhniki.

Zvikwata zviri izvi zviri muboka rine zvimwe zvinoti Egypt neUruguay asi zvose vashoma vanoona zvichisvika kure mumutambo uyu.

Musi weChishanu ndipo pachange pakabaka apo shasha dzemuEurope – Portugal – ichasangana neSpain iyo yakambohwina mukombe weWorld Cup mugore ra2010 kuSouth Africa.

Uyu mutambo uchange wakatarisirwa nevazhinji sezvo zvikwata zviviri izvi zvinogona kubuda zvose muGroup B zvofambira mberi mumakwishu aya.

Portugal ichange yakaisa tariro yayo pavatambi vanoti Cristiano Ronaldo, Bernardo Silva, Adrien Silva nevamwe. Kozoti Spain, izere nemukaka wevatambi vanosanganisira  Isco, Marco Asensio, Koke, Diego Costa naThiago Alcantara.

Musi weMugovera, Nigeria ichisangana neCroatia, maSuper Eagles chimwe chezvikwata zvakamirira Africa kumutambo uyu uye vatsigiri vazhinji vari kushuvira zvikuru kuti aiite zvinorova kuWorld Cup.

France ichisangana neAustralia neMugovera zvakare, kozoti Argentina ichitatsurana neIceland.

Kuzvikwata zviri kukwikwidza kuRussia gore rino, France neArgentina zvimwe zvine vatambi vakawanda vanotamba nhabvu inonwisa mvura.

France ine vatambi vanosanganisira Kylian Mbappe, Antoine Griezmann, Paul Pogba, Ousmane Dembele naNabil Fekir.

Nerumwe rutivi, Argentina ine vatambi vanoti Lionel Messi, Angel di Maria, Gergio Aguero, Gonzalo Higuain, Paulo Dybala nevamwe vakawanda.

Musi weSvondo shasha dzine mukombe weWorld Cup – Germany – ichatamba mutambo wayo wekutanga apo ichasangana neMexico kuMoscow kuStadion Luzhiniki.

Germany chimwe chezvikwata zviri kutarisirwa kuhwina mukombe uyu asi inofanirwa kutanga yabuda muboka rayo rine zvikwata zvinoti Mexico, Sweden neKorea Republic. Die Mannschaft ine vatambi vakaita saMesut Ozil, Thomas Muller naTimo Werner. Musi uyu zvakare ndiwo uchaona Brazil – iyo yakahwinha mukombe weWorld Cup yakawanda – ichitamba mutambo wayo wekutanga apo ichasangana neSwitzerland kuRostov Arena.

Makore mana adarika, Brazil yakabatiswa pasi pamusha payo apo yakakundirwa musemi-fainari neGermany nekudaro gore rino ichange ine huturu hukuru sezvo iri kuda kuhwina mukombe uyu nepainogona. Samba Boys ichange yakaisa tariro yayo pana Neymar, Gabriel Jesus naRoberto Firmino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>