Xhaka angangodzokera Borussia

26 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Xhaka angangodzokera Borussia

Kwayedza

MUTAMBI weArsenal, Granit Xhaka, anoti anogona kudzokera kuBorussia Monchengladbach kana kondirakiti yake yapera.

Chizvarwa chekuSwitzerland ichi chakambotamba mwaka mina kuBundesliga asati ayenda kuArsenal mugore ra2019 uko akatengwa nemari inosvika £35m.

Xhaka iye zvino ane kondirakiti nemaGunners ichapera mugore ra2024 uye anoti angade kudzokera kuMonchengladbach kana chikwata chekuGerman ichi chichimuda.

Achitaura neMit Geredet Podcast anoti, “Handina kubva kuBorussia ndichiuya kuArsenal nekuda kwemari kwete. Chaive chishuvo changu kutamba muEngland.

“Ndichangobva kuwedzera kondirakiti yangu, iyo yasara nemakore maviri kuti ipere.
“Ndichabva ndasvitsa makore 32 saka kana Max Eberl (Monchengladbach’s director of sport) achida kundidzosa ndine makore 32, saka ini musuwo wangu wakazarurwa ndinoenda.”

Xhaka achangobva kusaina kondirakiti imwe kuArsenal yegore mwaka uno, zvichitevera kudiwa kwaaiitwa naJose Mourinho murairidzi weRoma. Mutambi uyu (29) pari zvino haasati ave kutamba nhabvu zvichitevera kukuvara kwaakaita gumbo rake mumutambo weNorth Londona Derby apo Arsenal yakakunda Tottenham 3-1. Akakuvara paibvi rake izvo zvichamuona asingatambe nhabvu kwemwedzi mitatu. — SportsMail.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>