Yaimbova mochari rava bhucha

01 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Yaimbova mochari rava bhucha Nyama mubhucha

Kwayedza

Rutendo Nyeve

NZVIMBO iri kuKelvin North, kuBulawayo – iyo yaizivikanwa semochari yaimbochengeterwa zvitunha – yashandurwa kuitwa bhucha rave kutengeswa nyama izvo zviri kushamisa veruzhinji.

Paimbove nekambani inoviga vafi yeRunyaradzo Funeral Parlour kumaindasitiri eKelvin North pave nebhucha reThe People’s Choice Butchery iro rinozivikanwawo nekuti The People’s Homage #Ekhaya.

Chiri kunyanya kucherechedzwa nevanhu vakawanda vemunharaunda iyi ndechekuti kamuri yaichengeterwa zvitunha yave bhucha umo vatengesi vari kushandira.

Muridzi mutsva wenzvimbo iyi, uyo asina kuda kudomwa zita rake, anoti vakaputsa kamuri yaitonhorera yemochari yekare uye vave kushandisa itsva.

“Kamuri inotonhorera yekare yaishandiswa semochari yakaputswa uye iri kuseri kwemadziro aya,” anodaro muzvinabhizimisi uyu.

“Tichange tichirenda nzvimbo ino kwemakore akati wandei anotevera saka taishandura kubva pakuva inochengeterwa vafi kuenda kunzvimbo yamuri kuona nhasi.”

Mwedzi wapera, paipinda munhu muchivanze chave nebhucha re# Ekhaya, aitambirwa nemamiriro ezvinhu anotyisa anoenderana neruremekedzo runopiwa kuvafi.

Kusandurwa kwenzvimbo iyi kubva kumochari kuenda kubhucha kuri kutambirwa zvakasiyana nevanhu vemunharaunda iyi.

Vamwe vari kuti havaone chakaipa kuti panzvimbo iyi pave nebhucha asi vamwewo vachiti zvakaitwa izvi hazvigamuchirike pachivanhu.

Muzvare Sharon Moyo vanoti vanofunga kuti pakatevedzwa gwara chairo kuti panzvimbo yaive nemochari pasandurwe kuitwa bhucha.

“Ini ndinoshanda pedyo nenzvimbo iyi saka ndave nenguva ndichiiziva kubva payaive mochari. Ini pachangu ndinofunga kuti hapana chakaipa nebudiriro itsva iyi nekuti ndinofunga kuti vakapfapfaidza nemishonga inouraya hutachiona nekushandura dzimba dzinotonhorera,” vanodaro Muzvare Moyo.

Asi VaTinashe Mrewa vanova mugari wemunharaunda iyi vanoti zvakaitwa izvi zvakafanana nemashura mudunhu.

“Zvakandiomera kuti ndinzwisise kuti imba yaichengeterwa zvitunha yava bhucha. Ndinoyeuka kuti takakurukura nyaya iyi nevandinoshanda navo nokuti ndinoshandira pedyo. Takaitisana nharo nevandinoshanda navo avo vairatidza maonero akasiyana pamusoro penyaya iyi.

“Zvisinei, takazotanga kufarira nzvimbo iyi sezvo yakatinakira. Tinogona kutenga nyama yekugocha tichinwira-nwira zvedu, pangave panguva yezorora kwemasikati kana kuti tabva kubasa,” vanodaro VaMrewa.

Shanduko iyi yekubva panzvimbo yekusuwa kuenda kune yemafaro, kunofananidzwa netsika inonzi “After Tears” (Mushure Memisodzi) inoitwa kunyika yeSouth Africa apo vanhu vanoita mabiko ekupemberera manheru emusi wavanenge vabva kunoviga vadikani vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey