Yambiro kuvarimi vefodya

23 May, 2022 - 15:05 0 Views
Yambiro kuvarimi vefodya Muzvare Rudo Boka (kuruboshwe)

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vefodya vanoyambirwa kuti vasashandise magrowers numbers evamwe pakutengesa chirimwa ichi kumisika kuburikidza nenzira inonyanya kuzivikanwa nekuti “kuberekana” sezvo izvi zviine njodzi yekuti vanoguma vabirwa mari dzavo nekuda kwekuti inoendeswa kumabhanga asiri avo.

Yambiro iyi yakapihwa naMuzvare Rudo Boka vanova chamangwiza weBoka Tobacco Auction Floors pagungano revarimi vefodya rakaitirwa kuGwiwa, kudunhu raMambo Mujinga kuHurungwe nemusi weMugovera wadarika.

Mashoko aya anotevera kurasikirwa kunonzi kuri kuitwa vamwe varimi nemari mushure mekunge vashandisa magrowers numbers asiri avo pakutengeswa fodya kumisika.

“Ndauya kuno sekambani yeBoka Tobacco Auction Floors kuti tizoshanda tose mukurimwa kwefodya kusvika pakuzotengwa kwayo. Boka ikambani huru munyaya dzekutengeswa kwefodya saka tinoda kupanana mazano pano.

“Tinonzwa varimi vachiti havana kuwana mari dzavo mushure mekushandisa magrowers numbers nemaakaundi ekubhanga evamwe. Mari iyoyo inotorwa nemunhu ane nhamba neakaundi yamashandisa,” vanodaro Muzvare Boka.

Vanoti vanonzwa vamwe varimi vachiti vanotengesa fodya yavo vachishandisa magrowers numbers emakambani, izvo zvavanoti hakuna zvakadaro.

Vamwe vaive pamusangano wevarimi

Varimi, vanodaro Muzvare Boka, vari kusangana nechitsotsi chakawanda mukutengesa fodya zvinoguma zvaita kuti varasikirwe nemari dzavo vodzokera pasi munyaya dzekurima.

“Hazvibvumidzwe kuti murimi ashandise growers number neakaundi nhamba yemumwe munhu. Murimi woga-woga akasununguka kunovhura growers number neakaundi nhamba yake kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) achibatsirwa nevashandi vedu veBoka vane hunyanzvi hwekuita izvi,” vanodaro Muzvare Boka.

Vanoti vane hurongwa hwekuvhura musika wekutengesa fodya muKaroi nechinangwa chekurerutsira varimi kuti vatengesere chirimwa chavo pedyo.

“Inyaya inorwadza kuti vamwe varimi vanohaya marori kubva kuno kuHurungwe kuenda nefodya yavo kuHarare apo imwe inobiwa mumugwagwa panzvimbo dzakaita sepaMapinga nekumwe kune makata. Izvozvi muHurungwe munongova nemakambani emakondirakiti chete anotenga fodya. Zvinoda kuti murimi aite sarudzo yake yekwekutengesa kana misika yefodya ichinge yawanda,” vanodaro Muzvare Boka.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinoda kuti varimi vazive kuti isu seBoka hatitenge fodya asi kuti tinounganidza vanotenga vokutengerai fodya yenyu. Tinoyambira varimi kuti imhosva inosungisa kushandisa chitupa chemumwe, growers number neakaundi nhamba uye mukaona panoitwa zvakadai mhan’arai kumapurisa.

“Zvamuri kuita izvi zvakafanana nekuti unoshandisa medical aid yemumwe, ukangofa unopihwa zita remunhu ane medical aid yawashandisa zvinozonetsa kuti chitunha chako chitorwe.”

Vaive pagungano iri vanosanganisira varimi vanodarika mazana mashanu, Mambo Mujinga VaMutenhe Madanairwa, mumiririri weHurungwe East mudare reNational Assembly, Cde Ngoni Masenda, nemasabhuku emunzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey