yambiro kuzvikoro!

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
yambiro kuzvikoro!

Kwayedza

‘. . . musakwidze mari’

‘. . . tevedzai mutemo’

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti nzira dzose dzekubhadhara mari dziri kushandiswa munyika muno dzinofanirwa kutambirwa uye zvikoro hazvitenderwe kusarudza mari yazvinoda pakubhadharwa kwemari dzechikoro zvichiramba kutambira imwe.

Vanoti zvakare zvikoro zvose – zveHurumende kana zvakazvimirira – zvaige zvawedzera mari dzemafizi zvisina kupihwa bvumo nebazi ravo zvinofanira kudzokera pamari yaibviswa temu yapera.

Prof Mavima vanoti bazi ravo rakanyora gwaro rakaendeswa kuvakuru vezvikoro kuburikidza neSecretary’s Circular Minute Number 6 of 2018 iyo iri kujekesa kuti zvikoro zvinofanira kutambira nzira dzose dzekubhadhara mari dziri kushandiswa munyika muno.

“Nzira dzose dziri kushandiswa mukubhadhara mari muZimbabwe dzinofanirwa kugamuchirwa. Kuti pasave nekufunga zvisirizvo, zvikumbiro zvezvikoro zvekuti zvinoda kuti pabhadharwe fizi nelevy kuburikidza neimwe mari asi zvichiramba imwe hazvitenderwe,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti mutemo weStatutory Instrument 159 A of 2007 unotsanangura gwara rinotevedzwa kana zvikoro zvichida kukwidza mari.

“. . . zvikoro zvinenge zvichida kukwidza mari zvinosungirwa kunyorera kumunyori mukuru webazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuitira kuti zvinge zvichipihwa mvumo uye zvinofanira kutanga zvapihwa mvumo zvisati zvakwidza mari iyi. Saka hapana chikoro chinofanira kukwidza mari chisati chapihwa mvumo,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kuti munyori mukuru wemubazi ravo anyatsoziva mamiriro ezvinhu maringe nekuti sei chikoro chichida kukwidza mari, zvikoro pazvinonyorera zvinofanira kuendesawo magwaro akaongororwa nemaauditor anoratidza mashandisiro azviri kuita mari pamwe nemaminitsi emusangano wazvaita nevabereki vanosvika chikamu che20% avo vanenge vakawirirana nekuti mari dzikwidzwe.

Votaura pamusoro penyaya yemayunifomu, Prof Mavima vanoti zvikoro zvinofanira kutendera vabereki kuti vatenge mayunifomu evana vavo kuzvitoro zvavanoda.

“Vanofanira kubvumidzwa kutenga mayunifomu anoenderana nemawaniro avo,” vanodaro.

Mashoko avo anotevera katsika kari kuitwa nezvimwe zvikoro kekumanikidzira vabereki kuti vatenge mayunifomu evana vavo kubva kune ayo anenge achitengeswa pachikoro asi aine mitengo iri pamusoro zvikuru.

Vabereki vatova mushishi kugadzirira kuenda kwevana kuchikoro munaNdira wa2019.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey