Yambiro yeCovid-19

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Yambiro yeCovid-19

Kwayedza

Kunemi vafambi

RUZIVO urwu tinorwupakurira kuvafambi vakanga vari kunyika kana kuti nzvimbo dzine utachiona hwecoronavirus kana kuti COVID-19.

Senzira dzekusimbaradza kurwisa kupararira kweCOVID-19 kubva kunyika dzinacho, Hurumende inozivisa kuti icharamba ichitevedza hwaro hweWorld Health Organisation (WHO) Guidelines nekuzivisa zvinodiwa kuvafambi.

Nekuda kweizvi, vanhu vose vanobva kunyika dzine chirwere ichi vachaongororwa panzvimbo dzekupinda kana kubuda muno.

Kuvashanyi vose, kana muchibva kunyika dzine COVID-19, munofanirwa kuongororwa pamwe nekumbomira kufamba kwemazuva 21.

Kuzvipatsanura uku kunoreva kumbogara kumba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Izvi zvinoreva kuregedza kuenda kunzvimbo dzakadai sekumakereke, kumitambo inoungana vanhu pakati pedzimwe.

Kana ukasvika uine zviratidzo zvakaita sekupererwa nemweya wekufema kana kukosora, unofanira kukakasika kuendeswa kunzvimbo dzinokupatsanura kubva kune veruzhinji (isolation centres sekuWilkins) kuti unobatsirwa nekukasika.

Zvinotarisirwa kuvafambi:

Vafambi vose vanoda kubva kunyika dzine COVID-19 vachiuya muZimbabwe vanofanirwa kumbomira kana vaine zviratidzo zvekurwara. Vanofanirwa zvekare kutanga vavhenekwa kunyika dzavanobva kuti vange vachiwaniswa magwaro anoratidza kuti havana zviratidzo zveCOVID-19.

Zvakakosha zvekare kuti vambomira kufamba zvisina tsarukano, kuenda nekudzoka kunyika dzine COVID-19.

Vafambi vose vanokurudzirwa kuti vakoshese utano kusanganisira kugeza mawoko nesipo nemvura yakachena, kuvhara muromo nemhuno nematishu kana kukosora vachishandisa gokora pachinzvimbo chekushandisa chanza.

Kungova neutsanana kunobatsira kudzivirira COVID-19.

Mashoko echenjedzo aya munoapakurirwa nemunyori kubazi rezveutano rekurerwa kwevana, Dr Agnes Mahomva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey