yangova ‘go bhora’. . . zvibodzwa 178 zvazunguza mambure

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
yangova ‘go bhora’. . . zvibodzwa 178 zvazunguza mambure Simba Nhivi

Kwayedza

Abel Ndooka
SVONDO rino mutambo weCastle Premiership uri kupinda muvhiki re11 apo zvikwata 18 zvose zviri kukwikwidza zvatamba mitambo 10 ndokunwisa ka178.

Kana zvichienzaniswa negore radarika panguva imwe chete apo zvikwata zvese zvainge zvatamba mitambo 10, zvakakwanisa kunwisa ka158. Ngezi Platinum – iyo iri kutungamira palog – yaive yanwisa ka16 mumitambo yayo.

Zvakadai, mwaka uno vatambi vatatu vanoti Simba Nhivi weCAPS UNITED, Lameck Nhamo weTriangle United naDavid Temwanjira weShabanie Mine vakwanisa kunwisa kashanu apo vari kudzingirirana kurwira mubairo weGolden Boot.

Hapasati pazivikanwa kuti pavatatu ava ndiani achazopedza ari pamusoro pevamwe panyaya yekunwisa.

Vamwe vatambi vari kutevera pakunwisa ndiObadiah Tarumwa (Chicken Inn), Ozias Zibande (Highlanders) naTerence Dzvukamanja (Ngezi Platinum) avo vanwisa kana kusvika parizvino.

Ngezi Platinum – iyo iri kutungamira palog – ndiyo iri kutungamirazve pakunwisa sezvo yanwisa ka16 mwaka uno mumitambo yayo. Chikwata ichi chiri pamberi pakubvarura mambure uye changonwiswa kaviri chete.

Lameck Nhamo

FC Platinum iyo yakagara pechipiri palog ndiyozve iri pechipiri pakunwisa sezvo yanwisa ka15 mwaka uno.

Kozotiwo Highlanders FC yakagara pechitatu neChicken Inn iri pechina, ndizvo zvimwe zviri kuedza kubvarura mambure sezvo zvangonwisa ka13 mwaka uno.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevatsigiri pamwe nevaongorori venhabvu avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemafambiro ari kuita mwaka uno.

Mukushi wemashoko wePremier Soccer League, Kudzai Bare, anoti mwaka wegore rino uri kunakidza zvikuru.

Paakabvunzwa kuti ari kuona sei mwaka uno anoti, “Mwaka wegore rino uri kunakidza zvechokwadi.”

Mumwe mutsigiri wenhabvu – John Ushendibaba – anoti zvikwata zvemuno zvave kurakidza kurongeka izvo zvave kubatsira kuti nhabvu inotambwa ishanduke.

“Zvikwata zvedu zvave kurongeka manje, uye kurongeka uku kunobatsira kuti nhabvu isimbe, isimukire. Kana vatambi vanotamba vane shungu vachida kuti zvikwata zvavo zvihwine.

“Ndakatomirira mitambo yesvondo rino nekuti hapasisina chikwata chinonzi chidiki nekuti zvikuru zvacho ndizvo zviri kutotatarika zvichiumburudzwa nezvepasi.

“Vatambi vacho vakaita saNhivi adzoka ashanduka nekuti anoziva kuti pamwe uyu ndiwo mukana wake wekupedzisira. Saka nhabvu ngaitsve,” anodaro Ushendibaba.

Mushamarari wenhepfenyuro yeStar FM – Yvonne Mangunda – uyo anove muongorori wemutambo uyu zvakare, anoti zvimwe zvikwata zvichiri kusarira kumashure panyaya yekurongeka sezvo zvisina mahofisi chaiwo ekushandira.

“Hongu panogona hapo kutambwa nhabvu inenge ichinakidza sei asi kana pasina kurongeka muzvikwata zvacho hapana zvatinenge tichiita, panoda kurongeka kukura.

“Zvimwe zvikwata hazvina mahofisi chaiyo uye kana vanhu vanoshanda kushambadza chikwata chacho saka zvakadaro hapana kwatinoenda kana tichidaro tinenge tichinyeperana chaiko,” anodaro Mangunda.

Zvakakadai, svondo rino nzira dzose dziri kunanga kuNational Sports Stadium uko chikwata cheCAPS UNITED chichange chichitatsurana neNgezi Platinum.

Mubvunzo uri kune vatsigiri vazhinji venhabvu ndewekuti Kepe-kepe ichaita here zvakatadziwa neDynamos uye neHighlanders zvekukunda Ngezi Platinum iyo isati yambokundwa kana mutambo mumwe chete kubva pakutanga kwemwaka uno?

Share This:

Sponsored Links