‘Yangu mari ndeyedoro

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai  Muzanenhamu

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati haadi kuti hushamwari hwake nasahwira wake huparare achiti ndiye anomuchengeta kubvira pane zvekudya nezvekupfeka sezvo iye achiti akawana yake mari, anoipedzera mudoro.

Tichatonga Nyaketa akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nasahwira wake, Edmore Mashiri, achiti ari kumushungurudza.

Mashiri anoti ndiye anotumirwa mari nemukadzi waNyaketa kubva kunze kwenyika yekuti achengete sahwira wake asi ave kumushaisa rugare nekuda kwekuti ane marambadoro.

“Ishamwari yangu kwemakore akawanda, asi kunwa kwaanoita hwahwa kwava kukanganisa magariro angu nekuti ava kuuya kumba kwangu achishungurudza vana nemudzimai wangu achiti haadi kutsiurwa,” anodaro.

Anoti amboedza kutsvaga vanhu kuti vataure naNyaketa kuti asiyane nekatsika kake aka asi zvaramba.

“Ndamboedza zvose zvandingaite kuti abatsirike asanwe hwahwa asi hazvisi kuchinja. Kubva zvaakauya muno achibva kuEngland, mudzimai wake akasara ikoko. Asi nekuziva kuti murume wake anoparadza mari kudoro, aipota achitumira mari kwandiri kuti ndimutengere zvekudya, ndibhadhare imba kana zvekupfeka zvake.

“Zvino nekuda kwake kuramba achinwa doro, ndakazoudza mudzimai wake kuti handichada zvekumubatsira,” anodaro Mashiri.

Nyaketa anoti haapokane nechikumbiro chaMashiri kudare asi haadi kuparadzaniswa neshamwari yake iri kumuchengeta.

“Chikumbiro chake handina dambudziko nacho, asi handisi kuda kuparadzaniswa naye nekuti ndiye ari kundichengeta, nyangwe hembe dzandakapfeka nhasi ndiye akandipa uye mudzimai wangu anovimba naye,” anodaro. Anoti ari kuedza chose kubatsirwa kuti asanwe doro uye anokumbira ruregerero pane zvose zvaanoita.

“Ndakaenda kuchipatara kuti ndiwane rubatsiro rwekusanwa hwahwa nekuti hwave kundiparadzanisa neshamwari yangu yemakore uye ndiri kukumbira ruregerero pane zvandakamutadzira,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mashiri gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links