Yauya zvakare Castle Tankard

25 Apr, 2023 - 15:04 0 Views
Yauya zvakare Castle Tankard Vanhu vakamomotera bhiza rakahwinha mumujaho weCastle Tankard Horse Race gore rapera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru inobika zvinwiwa, yeDelta Beverages, yadzoka zvekare nemujaho wemabhiza weCastle Tankard, yakabatana nasahwira wayo weMashonaland Turf Club.

Mujaho uyu uchaitwa musi wa6 Chivabvu kuBorrowdale Race Course, muHarare.

Muzvare Patricia Murambinda, avo vanova mukushi wemashoko kuDelta, vanoti mutambo weCastle Tankard unoramba uri pamberi mumijaho yemabhiza munyika.

“Mutambo uyu unofarirwa neveruzhinji munyika muno nepasi rose apo varidzi vemabhiza nevanoadzidzisa vanenge vachirwira kutora mukombe zvinoita kuti vave nembiri.

“Tine mari inosvika US$50 000 inotarisirwa kuhwinhwa nebhiza richatora mukombe. Gore rapera, bhiza rinoyevedza raive nemakore mana ekuberekwa ndiro rakahwinha,” anodaro.

Muzvare Patricia Murambinda

Muzvare Murambinda vanoti gadziriro dzemakwikwi aya dzasvika padanho repamusoro.

“Tichange tiine doro rinotonhorera zvikuru zvichifambirana nemamiriro ekunze ane kudziyirira, kugocha uye vanhu vachatandadzwa nevaimbi vakawanda vakadai seshasha yeSungura Alick Macheso, Enzo Ishall achitsigirwa naDJ Naida, Etherton B, DJ Andile Brown, DJ Rush nevamwe,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links