Uncategorized

‘Yeukai kuti HIV ichiriko’

10 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
‘Yeukai kuti  HIV ichiriko’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NATIONAL AIDS Council inoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 hakureve kuti HIV haisisiko uye varwere vane hutachiona uhu vanoda kugara vachirapwa sezvo vari nyore kubatira mamwe matenda.

Vachitaura pamusangano wakarongwa neveZimbabwe Women Living With HIV National Forum (ZWLWHNF) muHarare svondo rapera, mukushi wemashoko kuNAC, Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa vanoti zvakakosha kuti vanhu vane HIV varambe vachitora mishonga yavo.

“HIV ichiriko uye varwere vanofanira kurapwa nekuda kwekuti miviri yavo iri nyore kubatira zvimwe zvirwere seCovid-19. Munguva ye’lockdown’ taitoona kuti vanhu vari kurarama nehutachiona uhwu vatora mishonga yemwedzi mitatu panguva imwe chete kuitira kuti vasarambe vachingofamba-famba zvinova zvinovaisa munjodzi yekutapurirwa Covid-19. Zvirwere zvose kusanganisira gomarara zvinofanira kurapwa zvisinei nekuti kune Covid-19 nekuti zvirwere izvi zvinouraya kana zvikasarapwa,” vanodaro.

Tendai Westerhof, uyo anova murongi kusangano reZWLWHNF, anoti madzimai ekumaruwa ane hutachiona hweHIV vanofanira kutsigirwa kuti vawane mishonga nenguva.

“Tine madzimai nevanasikana vakakundikana kuwana mishonga yavo nenguva, kunyanya munguva ye’lockdown’ apo zvimwe zvipatara zvange zvisiri kurapa zvimwe zvirwere kunze kweCovid-19. Kune nherera nechirikadzi dzakawanda dzakasiiwa nekuda kweHIV uye vachibva kumhuri dzinotambura. Kuti unwe mapiritsi emaARV, zvinoda kuti utange wadya chikafu chinovaka muviri,” anodaro.

Patricia Lamasi (23) wekuBulawayo anoti nyaya dzerusarura dzakawanda kuvanhu vane HIV, kunyanya vanasikana vanenge vachida kuroorwa.

“Ini ndakabarwa ndiine hutachiona hweHIV asi ndinofara kuti murume wangu akazvitambira zvisinei nekuti iye haana hutachiona uhwu. Tine vana vaviri, vose havana hutachiona,” anodaro.

Lamasi anoenderera mberi achiti, “Hama dzemurume wangu dzakanditambira sezvandiri asi vamwe vazhinji vakaita seni vanosangana nematambudziko.”

Share This:

Sponsored Links