Young Igwe osimudzira maboozer

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvitanhatu zvenhabvu yemaboozer zvichasangana svondo rino nemusi weMugovera paPrince Edward School, muHarare apo zvichatatsurana pamutambo wePeter Moyo at 29 Tournament.

Mutambo uyu uri kurongwa nemuimbi wemusambo weSungura – Peter ‘Dhewa’ Moyo – uyo anove nerudo nenhabvu zvikuru sezvo akambotambira zvikwata zvakadai seLancashire Steel Juniors nevatambi vanosanganisira Dennis Dauda.

Mutambo uyu uchange uri wekupemberera kusvitsa makore 29 okuberekwa kwaYoung Igwe sezita remadunhurirwa raMoyo pamwe nekusimudzira nhabvu yemaboozer.

“Nhabvu yechiboozer vazhinji vanoiona seyezvidhakwa chete, asi yakakosha zvikuru sezvo ichitibatsira kuvaka nekuchengetedza miviri yedu.

“Kana vanhu vakura, kazhinji nguva yekuvaka muviri tinenge tisina saka ndiri kuda kusimudzira mitambo yemaboozer iyi iite mukurumbira itambwe nezvikwata zvakawanda.

“Hongu, ndinoziva kuti zvikwata zvakawanda zviriko zvinotamba nhabvu yemaboozer zvichikwikwidza asi ini ndiri kuda kuisimudzira iite mukurumbira,” anodaro.

Moyo achatambawo mumutambo uyu sezvo chikwata chake chaanotambira cheLimpopo FC chichange chiri chimwe chezvichakwikwidza.

“Ini ndiri kutambawo musi wacho sezvo chikwata changu Limpopo FC chiri kuzokwikwidzawo. Ndichange ndichirakidzawo tarenda rangu,” anodaro Moyo.

Zvikwata zvichahwina pamutambo uyu zvichawaniswa mibairo yakasiyana-siyana inosanganisira mikombe nemenduru.

 

Share This:

Sponsored Links