Uncategorized

Zambuko remurwizi rwaMwarazi rogadziriswa

10 Jun, 2021 - 15:06 0 Views
Zambuko remurwizi rwaMwarazi rogadziriswa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZAMBUKO remurwizi rwaMwarazi riri mumugwagwa weHeadlands-Chiendambuya kudunhu reManicaland iro rakadamburwa nemvura mumwedzi waKukadzi gore rino rogadziriswa nechimbi-chimbi neHurumende uye izvi zvinotevera kudzoserwa shure kwange kwaitwa mabasa ebudiriro munzvimbo iyi.

Zambuko iri riri mumugwagwa unobva kuHeadlands uchienda kunzvimbo dzinosanganisira Chiendambuya, Mayo, Chinyudze, Rusape, Chikore, Maparudzi neNyanga.

Kudamburwa kwezambuko iri nemvura kunonzi nevagari veko kwanga kwakonzera kusafamba zvakanaka kwezvinhu kusanganisira mabasa ekurima apo varimi vange vave kushaya matakuriro ezvirimwa zvavo kuendesa kumisika nekumugwagwa mukuru weHarare-Mutare.

Rimwe dambudziko guru rakanga ratarisana nevagari venzvimbo iyi kutadza kufamba vachienda kunobatsirwa kuzvipatara nekumakiriniki.

VaLeonard Mudhara (52) vanove muzvinabhizimisi kuHeadlands vanotenda Hurumende nekugadzirwa kuri kuitwa zambuko iri.

“Ini ndine zvitoro nemabhawa muno muHeadlands, mamwe emakasitoma edu anobva kumaruwa ari padyo ekuChiendambuya vanga vasisakwanise kuuya kuno kuHeadlands nekushaya kwekupinda nemotokari dzavo. Vanhu vaidawo kuzobatsirwa muzvipatara nekumakiriniki vanga vasisakwanise kufamba takatarisa zvikuru nguva ino yekurwisa denda reCovid-19,” vanodaro VaMudhara.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaFarai Mutokosi (36) mumwe mugari wekuHeadlands vachiti, “Kugadzirwa kwezambuko iri kuchabatsira zvikuru kuti basa rose richiitwa zvakanaka pasina dambudziko. Tine varimi vanobva kumaruwa anosanganisira Chiendambuya neChikore vachinotengesa ungava muriwo, matomatisi kana kuendesa zvirimwa zvavo kukambani yeGrain Marketing Board (GMB). Pakufamba vanhu vachibva kuno kuHeadlands kuenda kumisha yavo zvanga zvave kunetsa.”

Zambuko iri riri kugadzirwa nekambani yeEvergreen Construction uye pane tarisiro yekuti basa rose richapera mukati memwedzi miviri iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links