Abel Ndooka
SACHIGARO weZimbabwe Cricket − Tavengwa Mukuhlani − anoti sangano ravo riri kushanda nesimba kuona kuti mutambo uyu wasimudzirwa munyika uye pavakwa nhandare dzepamusoro dzekuita gadziriro kumapurovhinzi akasiyana.
Mukuhlani akataura izvi svondo radarika apo Zimbabwe Cricket yakaita musangano wayo mukuru weAnnual General Meeting.
Muchinyorwa chakabva kuZC, Mukuhlani anoti mwaka wa2023/24 wakange usina kumira zvakanaka zvichitevera kutadza kubudirira kwakaita chikwata chemaChevrons kuenda kuICC Men’s Cricket World Cup 2023 uye ICC Men’s T20 World Cup 2024 mushure mekukundwa neUganda neNamibia.
Mukuhlani anoti ZC iri kushanda basa guru rekusimudzira mutambo uyu pamwe nekuvaka nhandare dzepamusoro segadziriro dzemitambo yeICC Under-19 Men’s World Cup 2026 neICC Men’s Cricket World Cup 2027 iyo mimwe yacho ichatambira muno.
“Izvi zvese tiri kuzviitira kuti patichazoronga mitambo yeICC Under-19 Men’s World Cup 2026 neICC Men’s Cricket World Cup 2027, tive chimwe chezvikwata zvichatonetsa kumitambo iyoyo,” anodaro Mukuhlani.
Zimbabwe icharonga mutambo weICC Men’s Cricket World Cup 2026 pamwechete Namibia, kuchiti weICC Men’s Cricket World Cup 2027 uchatambirwa muno nekuSouth Africa neNamibia zvekare.
Zvakadaro, Mukuhlani akarumbidza matambiro akaita zvikwata zveZimbabwe Emerging Side zvinoti chemadzimai nechevarume izvo zvakahwina menduru dzegoridhe kumitambo yeAfrican Games mwedzi yadarika.
“Zvese izvi, matambiro acho, kuhwina kunofadza muchihwina menduru dzegoridhe, zvinotaridza kuti ukadira mari mumutambo uyu munokohwa zvinofadza mune remangwana,” anodaro Mukuhlani.