Zcc yovakisa zvimwe zvikoro

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Thupeyo Muleya ari kuBEITBRIDGE
CHECHI yeZion Christian Church (ZCC) inoti gore rino ichavakisa zvikoro munyika muno pamwe nekune dzimwe nyika dziri mudunhu reSadc nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

Mashoko aya akataurwa nemutungamiriri wechechi iyi, Bishop Nehemiah Mutendi svondo rapera pagungano rechirongwa chekudyarwa kwemiti kuBeitbridge apo vakasima miti 10 yemhando yemapalm.

Vanoti nyaya dzekusimudzira dzidzo nekuchengetedza nharaunda ndiwo mamwe emabasa anofanirwa kutsigirwa nemachechi muZimbabwe.

Bishop Mutendi vanoti pane zvirongwa zvebudiriro zvakawanda zviri kuitwa nechechi yavo.

ZCC ndiyo ine chikoro cheMutendi High School chiri kuMasvingo.

“Tiri kushanda kuti tivakise zvikoro zvakawanda muZimbabwe nemudunhu reSadc. Kusvika pari zvino, gore rino tavhura zvikoro zvitatu. Pane Fazander chiri kuChimoio, kuMozambique, uye kwaMutare tine Chinobaka kwouya Vambe chiri kuKaroi.

“Chivimbo chedu kuti tirambe tichivaka zvikoro kunzvimbo dzakasaririra munyaya dzebudiriro kuitira kuti mwana wose awane kodzero yefundo.

“Pari zvino tiri kushanda kuti tipedze kuvakisa chimwe chikoro chiri kuJerera, kuZaka nechimwe chiri kuGokwe,” vanodaro Bishop Mutendi.

Vanoti zvakakosha zvikuru kuvakisa zvikoro senzira yekugadzirira remangwana revana rakanaka.

Bishop Mutendi vanorumbidza mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nekuvamba kwavakaita chirongwa chekuchenesa nyika, cheNational Clean Up Day, icho chavanoti machechi ose ari munyika muno anofanira kuchitambira nemawoko maviri.

“Sevatungamiriri vemachechi, tinofanirwa kuve pamberi mukukurudzira nyaya dzekuchengetedza nharaunda izvo zvinoita kuti pave nehutsanana. Ngatitsigirei chirongwa chaPresident chekuvaka nyika nekudyara miti uye tichichengetedza nharaunda dzedu dzakachena,” vanodaro.

Bishop Mutendi vanoti komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwemasango, yeForestry Commission, nemamwe mapoka anobatsirana nayo mubasa iri inofanira kurumbidzwa nebasa guru rairi kuita.

Vanoti vechidiki vanofanirawo kuve pamberi munyaya dzekusimudzira budiriro yenyika, vachitya Mwari uye nekuisa misoro pamwe chete.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>