Zdf inobatsira zvikoro pachena: Gen Sibanda

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Zdf inobatsira zvikoro  pachena: Gen Sibanda Gen Sibanda (pakati) vachiyemura kamuri yekudzidzira yakavakwa nemauto pachikoro cheRedcliff Primary School, kuRedcliff, svondo rapera — Mufananidzo naFreedom Mupanedemo

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF

MUKURU wemauto eZimbabwe Defence Forces, General Philip Valerio Sibanda, vanoti vechidiki ndivo vatungamiriri venyika vamangwana, nokudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvikoro zvakanaka.

Vachitaura svondo rapera pagungano rekupemberera kuvhurwa kwekamuri yekudzidzira yakavakwa nemauto eZDF pachikoro cheRedcliff Primary School, kuRedcliff, Gen Sibanda vanoti ibasawo remauto kuona kuti matunhu abudirira uye kuti vana vakure vachidzidzira muzvikoro zvakanaka.

“Semauto, rimwe rebasa redu kunze kwekudzivirira nyika, nderekuona kuti matunhu edu abudirira.

“Kubudirira kwedunhu kunotanga nekuva nezvikoro zvakanaka nekuti vana vedu vatinobara ava ndivo vatungamiriri vamangwana,” vanodaro Gen Sibanda.

Vanoti vabereki vanofanirwa kuwana nguva nevana vavo vachivadzidzisa kuti vakure vaine chido nenyika yavo pamwe nekuishandira kuti ibudirire.

Vanoti basa rekudzidzisa vana tsika dzakanaka uye kuda nyika yavo harifanirwe kusiiwa mumaoko evarairidzi chete.

 

“Hongu, tinoziva kuti vadzidzisi vakazvipira mubasa rekudzidzisa vana vedu muzvikoro, asi hazvirevi kuti tovapa mutoro wose wekudzidzisa vana vedu voga.

“Tose tiri vabereki, saka ndinokurudzira vabereki kuti patinenge tiri kumba paya, tinofanirwa kuita nguva nevana. Imi (vabereki) kana maipfura maticha nerekeni hamufanirwe kudzidzisa vana kupfura maticha nerekeni. Munofanirwa kuvadzidzisa tsika dzakanaka nekuti vade nyika yavo,” vanodaro Gen Sibanda.

Vanoti mauto anoda kuona budiriro mumaruwa, naizvozvo zvikoro nezvipatara zveHurumende zvinoda rubatsiro rwekuvakirwa, zvinofanirwa kuudza mauto kuti zvigoitirwa mabasa aya pachena.

“Chinongodiwa chete kuunganidza zvinhu zvenyu zvekuvakisa sezvidhinha nezvimwe motiudza. Muchiuto tinavo vanhu vakadzidzira mabasa ekuvaka aya saka tinokuvakirai pachena. Asi tinonyanyoda kuzviitira kumaruva nekuti ndiko kwakasarira panyaya dzebudiriro,” vanodaro Gen Sibanda.

Share This:

Sponsored Links