Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezvekudzivirirwa kwenyika, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) ari kupinda muzvirongwa zvakasiyana zviri kubatsira nharaunda dzavanodyidzana nadzo senzira yekutsigira zvinangwa zveHurumende zvebudiriro.
Vakataura mashoko aya apo vaiparura zviri pamutemo chirongwa chesvondo rekuita mabasa etsitsi cheZimbabwe Defence Forces 2024 paKuwadzana 2 High School muHarare neMuvhuro uno.
Mukucherechedza svondo rekuita mabasa etsitsi reZDF, bazi rezvekudzivirirwa kwenyika rakatambidza zviri pamutemo chivakwa cheAdministration Block chemhando yepamusoro icho vakabatsirana nevabereki uye nharaunda kuchivakwa.
“Ndinonzwa kufara zvikuru kuva pachiitiko chino chinova mavambo e2024 Zimbabwe Defence Forces Community Assistance Week. Chirongwa ichi chiri kuitwa kwasara nguva shoma kuti nyika icherechedze zuva guru reZimbabwe Defence Forces Day. Kutsigira kuri kuita mauto edu muzvirongwa zvebudiriro kunoratidza kuti vane shungu dzekuzadzikisa zvinangwa zveVision 2030 Agenda izvo zvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa zvekuona kuti hakuna nzvimbo kana munhu anosaririra munyaya dzebudiriro inoita kuti veruzhinji vawane mabasa zvichisimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro.
Chivakwa chechizvino-zvino, icho chakatambidzwa kuchikoro ichi, chinokosha US$1 miriyoni uye chakavapo nemushandirapamwe pakati peZDF, chikoro nevabereki.
Izvi zvinofambiranawo nezvinangwa zvebudiriro yenyika zveNational Development Strategy 1 (NDS1).
Cde Muchinguri-Kashiri vanoti ZDF iri kuita zvekare mabasa etsitsi akadai sekuchenesa nharaunda, kuvandudza zvivakwa zvinosanganisira zvipatara vachifambirana nehurongwa hwemutungamiriri wenyika hwekuti: “Nyika inovakwa nevene vayo/Ilizwe lakhiwa ngabanikazi balo.”
Gurukota reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Charles Tawengwa, vanoti dzidzo yakakosha mukuzadzikiswa kwemuono weVision 2030 nekudaro inofanirwa kuwaniswa rutsigiro rwemari nezvivakwa.
Mukuru wechikoro cheKuwadzana 2 High, Mai Mary Mupandawana, vanoti chakavambwa muna2001 chiine vadzidzi 504 zvichikonzerwa nekushomeka kwezvivakwa asi iko zvino nekuvandudzwa kwachaitwa, huwandu hwevana hwawedzera kuenda pa2 003.
“Tinofara nekubudirira kwatiri kuita uye tinotenda Hurumende kuburikidza nemauto eZDF akativakira Administration Block yemhando yepamusoro. Nhasi uno tava nevadzidzi 2 003, vanosanganisira vakomana 1 029 uye vasikana 974. Tichitendawo vabereki vakauya kuzoshanda pano vakatsigira zvekare neUS$40 mumwe nemumwe kuti chivakwa ichi chivepo. Tine tarisiro yekuzova nechikoro chebhodhingi munguva inotevera,” vanodaro.