Uncategorized

zgc yopinda mumakoreji

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
zgc yopinda mumakoreji Mai Mukahanana-Sangarwe

Kwayedza

 ‘Kumbonyikidzwa kwevadzidzi bodo’

Daphne Machiri
KOMISHENI yeZimbabwe Gender Commission (ZGC) iri kushanda nemayunivhesiti mukurwisa kumbunyikidzwa kwevadzidzi – kunyanya vanhukadzi – munyaya dzine chekuita nezvepabonde izvo zvinonzi zviri kudzorera shure budiriro yavo padzidzo.Sachigaro wekomisheni iyi, Mai Margaret Mukahanana-Sangarwe vanoti vakaona zvakakosha kuti vapinde mumayunivhesiti vachirwisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi.

Vanoti vamwe vanhukadzi vari kumayunivhesiti nemakoreji vari kushungurudzwa nenzira dzakasiyana, kusanganisira kumanikidzwa kudanana nevarairidzi vavo kuitira kuti vagozopasiswa pazvidzidzo zvavanoita.

Mai Mukahanana-Sangarwe vanoti pari zvino komisheni yavo iri kushanda nemayunivhesiti anosanganisira University of Zimbabwe, Midlands State University, Great Zimbabwe University, National University of Science and Technology neAfrica University mukurwisa kushungurudzwa kwevadzidzi.

“Takavamba tsvakurudzo idzi mushure mekutambira mashoko ekumbunyikidzwa kwevanhukadzi kubva kuMidlands State University uko kunonzi kune vadzidzisi vechirume vanoti kuvanhukadzi kuti upase chikoro tanga wadanana neni kana kuenda pabonde zvisina kuwirirana. Izvi zvinodzorera shure kubudirira kwavo mudzidzo.

“Takataura nevakuru vepayunivhesiti iyi vanosanganisira Vice Chancellor tikaona kuti iri idambudziko rinoda kutariswa,” vanodaro.

Mai Mukahanana-Sangarwe vanoenderera mberi vachiti, “Takatotanga kuferefeta nyaya idzi tikaisa zvakare masuggestion boxes ekuti tiwane nekunzwa zvinoitika payunivhesiti iyi maereano nekumbunyikidzwa kwevanhukadzi munyaya dzine chekuita nebonde.”

Vanoti kune vamwe vadzidzi kumayunivhesiti akasiyana vari kumbunyikidzwa nenzira dzakaita sekubatwa-batwa miviri yavo nevarairidzi vechirume pasina kuwirirana, kunove kutyorwa kwekodzero dzavo.

“Dzimwe nguva kumbunyikidzwa kune chekuita nebonde kunogona kuitwa nenzira yemashoko anotaurwa asi nyanye kuvanhukadzi munogona kusaziva mofunga kuti ijee asi kutori kumbunyikidzwa. Nokudaro tinokurudzira kuti nyaya dzerudzi urwu dzimhan’arwe uye isu sekomisheni tiripo kubatsira,” vanodaro.

VaVictor Nkiwane, avo vanove commissioner weZGC vari zvakare sachigaro wekomiti yeLegal and Investigations Committee, vanoti komisheni yavo inobatsirawo vanhurume vanenge vachishungurudzwa nevanhukadzi.

“Vanhurume musanyare kumhan’ara nyaya dzenyu kana muchishungurudzwa, komisheni yedu handi yevanhukadzi bedzi asi kuti inomirira kodzero dzevanhu vose,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links