Zhizha ratanga: ZFU

10 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Zhizha ratanga: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoyambira varimi kuti mwaka weZhizha watanga nekudaro gadziriro dzekurima dzinofanirwa kuve dzave padanho repamusoro-soro vachimirira kudyara mbesa.

VaPaul Zakariya vanove ZFU executive director vanoti murimi akarongeka pari zvino akatopedza gadziriro yemwaka uno yekurima.
“Varimi tinoti hatina nguva yekuzorora, kubva patinokohwa tinoramba tirimo chete mumunda tichiita mabasa. Izvozvi minda yose tinotarisira kuti yakapera kurimwa uye vanoita makomba ePfumvudza vakatoisa mipfudze kare mumakomba aya,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kumatunhu akasiyana mbeu yechibage nefetiraiza pasi pechirongwa chePfumvudza zvakatopihwa varimi.

“Tinotenda Hurumende nekuda kwechirongwa chePfumvudza icho chiri kusimudzira mabasa ekurima nechikamu chinodarika makumi mapfumbamwe kubva muzana apo matura edu akazara nechibage nezvimwe zvirimwa.
“Gorosi mwaka uno rakapfachukira mumatura nekuda kwePfumvudza, izvozvi varimi vedu vadzokera zvakare muminda uye tinotarisira goho guru rakapetwa mumwaka wa2021 kusvika 2022,” vanodaro VaZakariya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti mwaka weZhizha wa2021 kusvika 2022 mvura ichange yakaringana ichitozodarikidza kune dzimwe nzvimbo. Saka tinoti mwaka wedu unenge wakanaka kureva kuti ngatiitei gadziriro dzedu dzizere izvozvi, vanokwanisa kudyara vaite izvi zvichifambirana nezvinotaurwa nevarimisi vematunhu avari.”

Vanoti zvakakosha kuti varimi vatenge mbeu inofambirana nematunhu avanorima vari vachibatsirwa nemadhumeni.

“Ngatisangomhanyai kutenga mbeu dzatisingazive nekuti dzine mutengo wakaderera kana kuti taona vamwe vachitenga, matunhu atinobva akasiyana saka tinogona kutenga mbeu isingapindirane nevhu redu nekudaro tinopedzisira tawirwa nenzara tarima mbesa dzisiridzo,” vanodaro VaZakariya.

“Mwari vari kunaisa mvura munyika yedu chikomborero chikuru saka ngatishandisei mukana uyu nekurima zvakapetwa. Gore rino hatina nzara, nyika yose maguta saka tinoda kuti tidzokorore zvakare mwaka uno wa2021/2022 Zimbabwe idzokere pachinzvimbo chayo chekuva pamusoro munyaya dzekurima.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>