Zifa inoda isu: Dinyero‘. . . itungamirirwe nevakambotamba’

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Zifa inoda isu: Dinyero‘. . . itungamirirwe nevakambotamba’ MASIMBA DINYERO

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos FC, Blackpool, Black Mambas neSporting Lions pamwe nemaWarriors – Masimba Dinyero – anoti kuti nhabvu yemuno ibudirire inofanirwa kutungamirirwa nevatambi vakamboita mukurumbira muZimbabwe.

Member-in-Charge, sezita rake remadunhurirwa raDinyero, anoti masangano enhabvu akaita seZifa anofanirwa kunge achitungamirwa neshangwiti dzemutambo uyu sezviri kunyika dzakaita seMozambique, Zambia, Angola neBotswana.

“Nhabvu yedu yakasaririra zvikuru uye kana tichida kuona budiriro yayo panofanirwa kuita shanduko kubva kumusoro, kuZifa chaiko muhutungamiriri hwemasangano anotungamirira mutambo uyu.

“Vatungamiriri vemutambo uyu hapana zvavari kuita kusimudzira nhabvu asi kutoti vari kutouuraya chete.

“Tarisai nyika dzakaita seBotswana, Angola, Zambia neMozambique chaiyo, nhabvu yavo iri kusimuka zvakasimba nekuti shasha dzakambotamba mutambo uyu kare ndivo vave kutungamira nhabvu yavo.

“Ndizvo zvatinoda kuona muno nekuti hapana kwatinoenda kana zvinhu zvakadai. Shuwa munoti tinosvikepi kana pasina zvirongwa zveJunior Policy izvo zvinovaka nhabvu yevechidiki nekuti ndivo vatambi vemangwana,” akadaro Dinyero.

Dinyero anoti vakotsveri vakawanda varipo vanoda kutsigira nhabvu asi havasi kukwanisa kuzviita sezvo Zifa nemamwe masangano anoona nezvenhabvu vasina hurongwa hwakanyatsojeka hwekusimudzira mutambo uyu.

“Tinongogara tichichema kuti hapana mari, asi haisi nyaya yekushaya nekuti hatina kurongeka.

“Vakotsveri varipo vakawandisa vanoda chaizvo kudira mari kuti tivake nhabvu yemuno asi havasi kuda sezvo tisina kurongeka,” akadaro.

Dinyero, uyo parizvino ari kurairidza Harare City Football Club, akazvarwa mugore ra1967 uye mumwe wevatambi vakatamba nhabvu inodakadza zvikuru akahwina mikombe yakawanda nezvikwata zvakasiyana.

Anoti akakurira kuMbare Police Camp uko baba vake vaive mukuru anoona nezvekudya pakamba iyi (head chef).

Member-in-Charge akatanga kutamba nhabvu mugore ra1981 kuchikwata cheWhite-Mans apo aive nemakore 18 ekuberekwa.

Akatambira chikwata ichi kwemakore mana ndokuzobva mugore ra1985 achienda kuBlack Mambas.

Ari kuMambas, ndipo paakapedza zvidzidzo zvake kuchikoro, akabva apinda basa rechipurisa uye haana kumira kutamba nhabvu.

Apo paaitambira Mambas, akavhoterwa kuve Soccer Star of the Year mugore ra1989 ndokupotsa nepadiki kutora mubairo uyu zvakare muna 1994 na1995.

“Chinhu chandisingafe ndakakanganwa kuvhoterwa kwandakaitwa kuti ndini ndakahwina Soccer Star of the Year.

“Ndinogara ndichizviyeuka zvakanyanya nekuti semutambi wenhabvu unoda zviitiko zvakadai kuti uzopupura zveshuwa kuti wakatamba nhabvu yemhando yepamusoro,” akadaro Dinyero.

Mugore ra1994, Mambas yakazotengwa neBlackpool uye Dinyero akaramba achitambira chikwata ichi kusvika 1996 apo paakazotengwa neDynamos FC. Akazotambira DeMbare kusvika muna 2001.

Paitambira DeMbare, akave muchikwata chakasvika mufainari yeAfrican Champions League mugore ra1998 zvisinei hazvo kuti vakazokundwa 4-2 neAsec Mimosa yekuIvory Coast mumutambo uyu.

“Ini ndine mufaro mukuru kuti ndakatambawo muchikwata icho chinova chega chemuno chakasvika mufainari yeAfrican Champions League.

“Hapana chimwe chikwata chati chazvikwanisa chemuno. Mutambo iyowo ndichiri kuurangarira zvikuru nekuti zuva remutambo uyu takange tarambirwa nguva yekupinda munhandare kuti tiite gadziriro dzedu.

“Takazotamba hedu uye tikakundwa 4-2 paagregate asi takabata basa sebasa,” akadaro Dinyero.

Mugore ra2001, akabva kuDeMbare ndokumbonotambira Sporting Lions apo akange ave kuirairidza zvekare kusvika abva mugore ra2003 ndokuenda kuFlame Liily uko kwaakagara kwegore rimwe chete.

Gore ra2004, rakaona Dinyero achitengwa neBlack Mambas apo yakange yadzoka zvekare munhabvu iri muDivision 1.

Aitamba nhabvu achirairidza chikwata ichi zvekare sezvaakaita kuSporting Lions pamwe neFlame Lilly. Zvakadaro, Dinyero akakwanisa zvakare kutambira maWarriors mumitambo yakawanda.

Aive muchikwata cheThe Dream Team icho chairairidzwa nemushakabvu – Reinhard Fabisch – chiine vatambi vakaita saJohn Phiri, Henry McKop, Agent Sawu, Rahman Gumbo naBenjamin Konjera.

“MuDream Team yakaumbwa naFabisch iya ndakakwanisa kutamba mitambo mina. Fabisch aiziva bhora uye tikakwanisa kuwana mumwe munhu akaita saye nhabvu yedu inosimukira zvikuru,” akadaro.

Anoti akambowana mukana wekunotambira kunze kwenyika kuzvikwata zvinoti PSV Eindhoven neFeyenoord zvekuNetherlands kozoti Grasshoppers yekuSwitzerland asi akatadziswa kuenda kwenguva refu nekuda kwebasa rake rechipurisa.

Panguva yaakazosendeka shangu dzake dzenhabvu, Dinyero akabva apinda mune zvekurairidza izvo zvakamuona achitungamirira zvikwata zvakaita seKiglon neShooting Stars.

Akamboshanda ari mutevedzeri waLloyd Mutasa kuzvikwata zvinoti Mutare Highway FC, Dynamos FC neFC Platinum.

Gore rapera, airairidza FC Platinum ari mutevedzeri waMutasa zvakare asi akazosiya basa achienda kuHarare City FC.

Akatanga ari mutevedzeri waBigboy Mawiwi kuchikwata ichi ndokuzomutsiva apo paakadzingwa mwaka uno.

Kubva zvaakatanga zvekurairidza nhabvu, Dinyero anoti anoda kuenderera mberi achidzidza zvemutambo uyu kuti agokwanisa kupawo ruzivo rwake kune vatambi.

“Nhabvu ini ndinoida uye ndinoitevedzera zvakasimba. Ndinoda kuenderera mberi ndichidzidza zvemutambo uyu, basa rangu ndorida zvikuru,” akadaro Dinyero.

Parizvino Dinyero ari kugara kuMabvuku naamai vake, kunyangwe hake asina kuda kutaura zvakawanda pamusoro pemhuri yake.

Anoti ane vanakomana vashanu avo vana vacho vanotamba nhabvu kuzvikwata zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links