‘Zifa ngaibude pachena’

18 Feb, 2021 - 11:02 0 Views
‘Zifa ngaibude pachena’ Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum — Norman ‘Muchina wemajuzi’ Mapeza — anoti hutungamiriri hwenhabvu yemuno hweZIFA hunofanira kutaura chokwadi maringe nemamiriro emutambo uyu sezvo hupenyu hwevatambi vazhinji hwakanganisika.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakaitwa nhabvu nemimwe mitambo munyika muno muna Kurume gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mapeza anoti ZIFA ngaitaure chokwadi kuti iri kuronga zvipi pamusoro pekudzoka kwemutambo uyu.
“Vakomana vazhinji venhabvu vange vachiraramisa mhuri dzavo kuburikidza nemari dzavange vachiwana kubva kunhabvu asi iye zvino havana chekubata sezvo mutambo uyu usiri kutambwa. Kana vakomana vakasatamba nhabvu havawane mari yekuti vakwanise kutengera mhuri dzavo chikafu chekudya kumba. Saka nhabvu ikasadzoka nekuchimbidza zvinoramba zvichivaomera vakomana ava.

“Tiri kushaya kuti chii chaizvo chiri kukonesa kuti mutambo uyu udzoswe muno munyika medu, kune dzimwe nyika uri kutambwa asi muno chete ndimo mauchiri wakamiswa. Izvi zviri kukanganisa zvakawanda.

“Saka ZIFA ngaitaure chokwadi kuti zvinhu zviri kufamba sei chaizvo vanhu vazive pane kungotsika-tsika zvavari kuita izvi,” anodaro Mapeza.
Svondo rapera, mutauriri weZIFA Xolisani Gwesela akaudza Kwayedza kuti sangano ravo rakanyorera kuHurumende richikumbira bvumo yekuti mutambo wenhabvu uchidzoka uye vachakamirira mhinduro yacho.
Chikwata cheFC Platinum chiri kukwikwidza mumitambo yeCAF Confederations Cup umo chiri kurwira kuenda kumagroup stages kunyangwe hazvo chisiri kunyatsowana nguva yekugadzirira.
Mapeza anoti mutambi wenhabvu anofanirwa kugara achitamba svondo rega-rega.

“Igaroziva kuti mutambi hunyanzvi hwake hunonyatsobuda kana akaita nguva achitamba nhabvu, anenge asina ngura yekugara nguva yakareba asingatambe.

“Manje isu tiri kupedza nguva tisingatambe nhabvu nekuti ligi remuno rakamiswa, tiri kuzongonokwikwidza mumitambo yemuAfrica. Vatambi vedu vanenge vasina kusvika padanho chairo rinotarisirwa rekukwikwidza sezvo vanenge vagara nguva refu vasina kukwikwidza. Saka dai nhabvu yemuno yange ichitambwa, zvaibatsira zvikuru mumitambo yedu nekuti vatambi vedu vanenge vasina ngura,” anodaro.
Mapeza anoti anotyirawo vatambi vechidiki avo vave nemakore maviri vasingatambe nhabvu kuti remangwana ravo rinogona kukanganisika.

“Moziva, vechidiki iye zvino vave kukanganiswa nezvinodhaka nekuti vari kuswera vachingomberereka kumaraini vasina zvekuita, ndipo vanopedzisira vave kutora zvinodhaka,” anodaro.

Chikwata chaMapeza chakasimuka nemusi weChipiri chakananga kuSenegal uko chiri kunosangana necheAssociation Sportive et Culturelle Diaraf (ASC Diaraf) mumutambo wechipiri wekurwira kufambira mberi muCAF Confederation Cup.

Mumutambo wekutanga wakatambirwa muno kuNational Sports Stadium, FC Platinum yakakundwa 1-0 saka iri kufanirwa kunohwina 2-0 kana nezvimwe zvibodzwa zvepamusoro, ASC Diaraf isinganwise, kuti chigogona kufambira mberi mumutambo uyu.

Mapeza anoti kunyangwe hake chikwata chake chakakundwa muno, havasi kurasa tariro uye vari kuenda kuSenegal vane chivimbo chekuti vachanohwina.

“Isu hatirase tariro, tinotamba mitambo yese kuti tihwine uye ndizvo zvatiri kuenda kunoita kuSenegal. Kana ivo vakahwina muno, hapana chinotitadzisa kuti tinohwinawo ikoko,” anodaro Mapeza.

Share This:

Sponsored Links