ZIFA ngaimbotipawo mukana: Dinyero

05 Apr, 2023 - 22:04 0 Views
ZIFA ngaimbotipawo mukana: Dinyero Masimba Dinyero

Kwayedza

Abel Ndooka

MASIMBA Dinyero – uyo akambonetsa munhabvu achitambira zvikwata zvinoti Dynamos, Black Mambas, Blackpool, Sporting Lions nemaWarriors – ari kunyunyuta zvikuru achiti nhabvu yemuno yaenda mumadhaka nekuda kwezvirango zvakatemerwa ZIFA neFIFA pamwe neCAF.

Dinyero anoti vanhu vakambotamba nhabvu ngavambopihwawo mukana wekutungamirira ZIFA, kwete “kuvharirwa kunze” sezviri kuitika pari zvino nekuda kwebumbiro remutemo resangano iri.

Nekuda kwezvirango izvi, zvikwata zvemuno pamwe chete nemaWarriors hazvisi kutenderwa kutamba nezvikwata zvekune dzimwe nyika.

Mamiriro ezvinhu aya, anodaro Dinyero uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Member-in-Charge, adzosera kumashure zvakanyanya nhabvu yemuno nekukanganisa vatambi vacho.

Dinyero anoti seshasha dzakambotamba nhabvu kare, vave kutonyara vachitarisa zviri kuitika munhabvu yemuno.

“Nhabvu yedu yazopinda mumadhaka chaiwo,” anodaro Dinyero.

“Nhabvu inofanirwa kuunganidza vanhu vachifara vachiona zvikwata zvavo zvichitamba. Asi iye zvino tisu tega muAfrica tisiri kutamba nezvimwe zvikwata zvinove zvinhu zvinorwadza zviri kutishungurudza isu sevarairidzi venhabvu.

“Tiri kurairidza vana vakawanda vane zvipo zvekuti vanogona kuenda kunze kwenyika, asi kana nhabvu yedu yakaita mamiriro ayakaita izvozvi, hapana zvatinenge tichiita. Tinenge tichiita setiri kutotambisa nguva nekuti hapana kwavanoenda, nhabvu yacho vanoitambira kupi?

“Nhabvu iri kutambwa yePSL iyi maboozer chaiwo nekuti haisi kucherechedzwa kunze uko, zviri kungoperera muno chete,” anodaro.

Vane mukombe wePSL – FC Platinum – vangadai vari kutamba mitambo yeCAF Champions League iyo iri pakati pekutambwa nezvimwe zvikwata zvekunze.

Kuchiti nerimwewo divi, Bulawayo Chiefs ingadai iri kutamba mitambo yeCAF Confederations asi nekuda kwezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA, zvikwata izvi hazvisi kukwikwidza.

Dinyero anoti vose vane chekuita nenyaya iyi vanofanirwa kugara pasi votaurirana kuti igadziriswe kuitira kuti Zimbabwe idzorerwe mumhuri yenhabvu yepasi rose.

“Hutungamiriri hwose hune chekuita nenyaya iyi tapota ngavagare pasi vawirirane igadziriswe, dzimwe nyaya dzange dzichinetsa dzozoonekwa asi bhora redu radzokera chaipo, tadzokera mumhuri yenhabvu,” anodaro.

Dinyero anoti mune remangwana, nhabvu yemuno inofanirwa kutungamirirwa nemunhu akatamba bhora nekuti anoziva kurwadza kunoita mutambo uyu uye matambudziko anosangana nevatambi.

Anoti mitemo iripo yeZIFA “inovharira panze” vatambi vakambotamba kare nhabvu mukukwikwidza kutungamira sangano iri nekudaro ngaishandurwe vanhu vakatamba nhabvu vatungamirire.

“Tarisai kusimukira kuri kuita Cameroon iyo iri kutungamirirwa naSamuel Etoo kana kusimuka kwakaita Zambia iyo yakambotungamirirwa naKalusha Bwalya. Ndizvo zvatiri kuda kuti zviitike muno, isu takatamba nhabvu titungamirire sangano iri.

“Zvino mitemo iripo inongotivharira panze nekuti varipo vanenge vachida kudya. Isu chatiri kuda kuona nhabvu yedu ichisimukira ichienderera mberi, vechidiki vachisimudzirwa matarenda avo.

“Mari inouya kubva kuFIFA, semari yeGrassroots ngaishande kubika vechidiki munyika yose kubva mumaguta kusvika kumamisha. Mari iyoyo ngaishande basa rayo rainenge yatumirwa kwete zvatinoona vamwe vachitora mari iyi vave kuita mabhizimisi avo. Izvozvo tiri kuzviramba,” anodaro.

Dinyero vazhinji vanongoziva achinzi Member-in-Charge vasingazive kuti zvakatanga sei.

Aive mupurisa kwemakore 25 achishandira Zimbabwe Republic Police (ZRP). Akatopinda basa achitamba nhabvu abva kuWhite Head ndokutorwa neBlack Mambas achibva apinda basa rechipurisa.

Paakasendeka kutamba nhabvu, akashanda kwemakore akawanda kumakamba anosanganisira ekuBeitbridge, Rusape neMutare ndokuzosiya basa ave nenyembe dzaInspector.

Dinyero akazvarirwa kuShurugwi uye anoyera Hungwe, ndiChasura Chatibwege.

Iye zvino ari kushanda kuBN Academy uko ari kubika vatambi vemangwana.

Asati aenda kuBN Academy, Dinyero akamborairidza nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira FC Platinum, Harare City neGreen Fuel.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey