Zifa, PSL vokandirana nyoka mhenyu

05 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Zifa, PSL vokandirana nyoka mhenyu Xolisani Gwesela

Kwayedza

Abel Ndooka

Sangano rinoona nez- venhabvu muno reZimba- bwe Football Association rokandirana nyoka mhenyu nerePremier Soccer League pamusoro penyaya yekuti mitambo yePSL ichatanga riinhi zvichitevera mashoko akabva kuConfederation of African Football (CAF) ekuti nhandare dzemuno hadzina kukodzera kutambirwa nhabvu nezvikwata zvekunze.

Svondo radarika, CAF yakabuda pachena kuti muZimbabwe hamuna nhandare kana imwechete yavanoona yakakodzera kuti itambirwe nhabvu nezvikwata zvekunze.

Izvi zvinoreva kuti mutambo wechikwata chenyika chemaWarriors wekurwira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations 2020 neAlgeria uchatambirwa kunze kwenyika.

Hurumende parizvino iri mushishi yekuona kuti nhandare dzinosanganisira National Sports Stadium iri muHarare neBarbourfields kuBulawayo dzagadziriswa.

Kazhinji mitambo yePSL inotanga kupera kwemwedzi waKurume asi parizvino mamiriro ezvinhu haana kujeka zvichitevera mashoko akabva kuCAF aya.

Mukushi wemashoko wePSL Kudzai Bare anoti nyaya yenhandare iyi yakakomba asi zvose zvinoitwa neZifa.

Kudzai Bare

Anoti Zifa ndiyo inoongorora nhandare dzese dzemuno uye yovazivisa dzinokodzera kutambirwa nhabvu nezvikwata.

“Isu zvose zvenhandare tinozvisiira mumaoko eZifa ndiyo inoongorora nhandare dzese dziri muno dzinoda kushandiswa nezvikwata zvenhabvu zvinokwikwidza muPSL votizivisa dzavanenge vaona dzakakodzera kutambirwa nhabvu.

“Isu tinozongotevedzera zvavanenge vatiudza, saka zvimwe zvese zvizere zvekuti nhandare dzedu dzinokwanisa here kutambirwa nhabvu yePSL munotozvinzwa kuZifa,” anodaro.

Achibvuzwa neKwayedza kuti mitambo yePSL inogona kutanga rinhi, Bare anoti izvi zvichazoziviswa mushure memusangano wavo wepagore weAnnual General Meeting (AGM) kupera kwesvondo rino.

“Tichagara pasi sesangano uye tichaita musangano wedu wekutanga wegore mukuru weAGM kupera kwesvondo rino apo ticharonga kuti mitambo inotanga rinhi. Asi, tichange tichishanda neZifa tichinzwa kubva kwavari kuti nhandare dzinoita ndedzipi kuti mitambo itange,” anodaro Bare.

Mutauriri weZifa, Xolisani Gwesela anoti nyaya dzenhandare yemitambo yePSL zvinozivikanwa nevePSL.

Mushure mekunge Kwayedza yamuudza kuti PSL iri kutiwo zvenhandare zviri mumaoko avo, anoti vachagara pasi kupera kwesvondo rino kuti vagoronga kuti nhandare dzokushandisa dzedzipi.

“Zviri mumaoko ePSL inzwai kubva kwavari. Isu tichazogara hedu pasi kupera wesvondo rino toona kuti nhau iyi ichafambiswa sei,” anodaro Gwesela.

Share This:

Sponsored Links