ZIFA yasarudza Jairos Tapera

26 May, 2024 - 12:05 0 Views
ZIFA yasarudza Jairos Tapera Jairos Tapera

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURAIRIDZI weManica Diamonds – Jairos Tapera – asarudzwa nekomiti yeZIFA Normalisation Committee kuti ambofanorairidza chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors.

Tapera apihwa basa rekurairidza mitambo miviri yemaWarriors yekurwira kuenda kuFIFA World Cup apo Zimbabwe ichatamba neLesotho neSouth Africa pamwe chete nemitambo yemakwikwi eCOSAFA Cup iyo ichatambwa panongopera mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup.

Muchinyorwa, mutungamiri weZIFA Normalisation Committee – Lincoln Mutasa – azivisa kuti Tapera afanogadzwa pachigaro ichi sezvo vange vasati vapedza kuita hurukuro nemurairidzi wavanoda kuti azorairidza chikwata chenyika.

“Zvichitevera tsvakurudzo nehurukuro dzange dzichiitwa neZIFA Normalisation Committee pakutsvaga murairidzi wemaWarriors, komiti yangu neni toda kuzivisa kuti tsvakurudzo yedu yasvika pakupera.

“Asi nekuda kwekuti hurukuro dzichiri pakati pekuitwa hatisati tave kukwanisa kuzivisa kuti murairidzi mutsva ndiani panguva ino.

“Naizvozvo nekuda kwekuti tine mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup neSouth Africa neLesotho, tazviona zvakakosha kuti timbofanogadza murairidzi anofanoshanda pamitambo iyoyi.

“Izvi zvichabatsira ZIFA Normalisation Committee kuti ipedze basa yairi kuita yehurukuro nemurairidzi wairi kuda,” akadaro Mutasa.

Tapera achange achibatsirwa mubasa rake naTakesure Chiragwi naSaul Chaminuka kuchiti Sunday Chidzambwa achange ari Technical Advisor.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey