Zifa yokumbira FIFA

16 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
Zifa yokumbira FIFA Gift Banda

Kwayedza

Abel Ndooka

AKAFANOBATA chigaro chemutungamiri wesangano reZimbabwe Football Association (Zifa), Gift Banda, anoti vakanyorera kuFIFA vachikumbira kuti Zimbabwe idzorwe mumhuri yenhabvu yepasi rose zvichitevera zvirango zvayakatemerwa izvo zvakaona ichiburitswa mumutambo weAfrica Cup of Nations.

Svondo radarika, sangano reSports and Recreation Commission (SRC) rakazivisa kuti Banda ndiye akafanobata chigaro chemukuru weZifa zvichitevera kumiswa basa kwakaitwa Felton Kamambo achipomerwa mhosva yekuti aive asiri kuita basa rake nemazvo.

Kamambo akamiswa basa pamwe chete neaive mutevedzeri wake, Philemon Machana naBrighton Malandure uyo aive nhengo yebhodhi raaitungamirira.

Muhurukuro neKwayedza, Banda anoti yakwana nguva yekugadzirisa nhabvu yemuZimbabwe kuti ichisimukira igove nechiremerera chakanaka.

Zvichitevera kugadzwa kwaakaitwa pachigaro chinopisa ichi, Banda anoti bhodhi rake rakatonyorera kuFIFA richikumbira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

“Takanyorera kuFIFA svondo radarika neChishanu tichivazivisa patasvika panyaya dzenhabvu dzemuno uye tichikumbira kuti zvirango zvavakaisa zvibviswe. Kutaura kuno takamirira kunzwa kubva kuFIFA asi tinoziva kuti tiri kutarisira kugamuchira mashoko anofadza kubva kwavari.

“Hakuna nyika inopihwa zvirango neFIFA zvoramba zviripo zvachose, zvinotobva chete. Saka isu tinovimba kuti muhurukuro dzatiri kuita neFIFA tichasvika apo patichawirirana kuti zvirango zvatakatemerwa zvigobviswa,” anodaro.

Mumwedzi yadarika, vatambi vemaWarriors vakaita saKhama Billiat naKnowledge Musona vakasendeka shangu dzavo dzekutambira chikwata chenyika ichi kuchiti vamwe vanotambira kuEngland vakadai saTendayi Darikwa vange vave kutsvaga zvikonzero zvakasiyana zvekusauya kuzotamba nekuda kwezvinyunyuto zvakare.

Banda anoti anozviziva kuti vatambi vazhinji vane zvinyunyuto nekudaro bhodhi rake richaona kuti ragara pasi nevatambi vose vonzwa zvichemo zvavo pamwe nekuzama kuzvigadzirisa.

“Tiri kutanga patsva kugadzirisa zvinhu zvose zvine chekuita nenhabvu yemuno muZimbabwe.

Chimwe chinhu chikuru chatinoda kuita kugara pasi nevatambi vedu vose vemuno nevekuEurope tonzwa zvinyunyuto zvavo isu toshanda kuzvigadzirisa.

“Vatambi vedu vane chitsama vanotambira nhabvu yavo kunze kwenyika vange vave kusada kuuya nekuda kwezvinyunyuto zvakawanda. Saka tiri kuzvigadzirisa zvose, tozofamba pamwe chete tichifara,” anodaro.

Banda anoti rimwe basa guru riripo pari zvino kuona kuti nhandare dzinotambirwa nhabvu dzagadziriswa dzisvike padanho rinotarisirwa neFIFA neCAF.

“Ino ndiyo nguva yekuti tigadzirise zvinhu zvose tivake patsva nhabvu yedu muno. Dai takanzi titambe mitambo yekurwira kuenda kuAFCON shuwa zvaibuda here tichinotambira kune dzimwe nyika dzakaita seZambia, Mozambique neSouth Africa?

“Zvange zvisingambobude, isu tiri kuda kuti mitambo yedu inge ichitambirwa muno. Saka nguva ino ndiyo yekugadzirisa zvose zvange zvakakanganisika zvigotibatsira kuti nhabvu yedu painodzorwa zvinhu zvose zvinge zvakarongeka.

“Vanhu pavanotaura nezvezvikwata zvenyika, vanongofunga maWarriors chete asi tine zvemaUnder-15, 17, 21, 23 nezvimwe zvemazera akasiyana. Saka toda kuti kwese kubva kune vechidiki kunge kwakarongeka,” anodaro Banda.

Share This:

Sponsored Links