Abel Ndooka
MWAKA mutsva wecricket weZim Afro T10 uchatanga munaGunyana apo mutambo uyu uri kudzoka kechipiri.
Wakatanga gore radarika uye mwaka uno uri kutarisirwa kunakidza zvekukunda ngoma kurira.
Mutambo uyu uchatanga nemusi wa21 Gunyana uchizopera musi wa29 uye uchatambirwa paHarare Sports Club.
Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, mutungamiri weZC – Tavengwa Mukuhlani – anoti vari kufara nekudzoka kwemutambo uyu.
“Tiri kufara kuzarura misuwo yedu nekudzoka kwemutambo weZim Afro T10 Tournament.
“Mwaka wekutanga wainakidza zvikuru uye uzere nekupemberera naizvozvo tiri kutarisira izvozvo zvekare gore rino.
“Mhando yecricket yepamusoro inotambwa muT10 yakatibatsira kusimukira matambiro edu uye ndine chivimbo chekuti zvicharamba zvakadaro kuti tisvike kure,” anodaro Mukuhlani.
Sachigaro weT10 Group — Nawab Shaji — iro rinokotsvera mutambo uyu, anoti vakazvipira kuutsigira.“Tine basa guru rekubata kuti mhando inotambwa yecricket irambe iri yepamusoro uye vatsigiri vagouya kuzoona mutambo weZim Afro T10.
“Tiri kufara nekudzoka kwataita uye tinovimbisa kuti kuchange kuchinakidza kuHarare Sports Club,” anodaro.
Mhando yecricket yeT10 iri kusimukira kubva zvayakavambwa kuAbu Dhabi uye yave kutambwa kunyika dzinosanganisira United States of America, Sri Lanka nemuZimbabwe.