Zim Agric Show yasvika

26 Aug, 2022 - 13:08 0 Views
Zim Agric Show yasvika Dr Andrew Matibiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GADZIRIRO dze112th Zimbabwe Agricultural Show (ZAS), iyo ichatanga neMuvhuro 29 Nyamavhuvhu, dzasvika padanho repamusoro apo vemakambani akasiyana nevarimi vari mushishi kupedzisa kugadzira masitendi avo kuti agozomemwa neveruzhinji.

Chamangwiza weZAS, Dr Andrew Matibiri vanoti shoo iyi ichaitwa kubva nemusi wa29 Nyamavhuvhu kusvika musi wa3 Gunyana.

“Gadziriro dzeshoo yegore rino dzave padanho repamusoro uye vemakambani vari mushishi kupedzisa kugadzira masitendi avo. Tinofara zvikuru nekuderera kuri kuita chirwere cheCovid-19 saka tinotarisira kuti vanhu vazhinji vachauya kushoo vakasununguka,” vanodaro.

Gore rino shoo iyi iri kuitwa pasi pedingindira rinoti: “Mikana Yekuita Mabhizimusi Zvine Gwara”.

Dr Matibiri vanoti varimi gumi vanobva kumatunhu akasiyana vachawaniswa mibairo uye musi unotanga shoo iyi pachaitwa makwikwi ekwizi ayo achakwikwidzwa nevanhu 210.

Shoo iyi inotarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo nemusi wa2 Gunyana apo pachange paine vaenzi vanoremekedzwa.

Dr Matibiri vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho eWorld Health Organisation (WHO) nebazi rezveutano nekurerwa kwevana ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Tiri kukurudzira veruzhinji kuti vange vakapfeka mamasiki avo panzvimbo dzakavharika uye varegedze kuungana kuti tidzivirire denda reCovid-19. Tichange tine michina yemuchadenga (drones) inoongorora zvose zviri kuitika mushoo saka tinoda runyararo.

“Sangano reZimbabwe Red Cross Society richange richibaya vanhu nhomba dzekudzivirira Covid-19 pamazuva matanhatu eshoo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links