Zim Cricket yotarisira kuna Houghton

24 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Zim Cricket yotarisira kuna Houghton Dave Houghton

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE Cricket inoti iri kutarisira zvikuru kubva kumurairidzi mutsva wemaChevrons – Dave Houghton – uyo akagadzwa pachigaro chinopisa ichi svondo radarika.

Houghton akatsiva Lalchand Rajput zvichitevera kupihwa kwaakaitwa chigaro chitsva chatechnical director.

Givemore Makoni anove managing director weZC anoti Houghton inyanzvi yecricket muZimbabwe nekudaro chikwata chemaChevrons chichange chiri mumaoko akanaka.

Aka kachange kari kechipiri Houghton achiraidza maChevrons uye akambochitambira chikwata ichi ari kaputeni asati atanga kurairidza mutambo uyu.

“Dave Houghton igamba recricket munyika yedu uye anoziva zvinodiwa kuti mutambo uyu usimukire zvikuru. Saka takamupa basa iri nechinangwa chekuti asimudzire mutambo uyu sezvo tange tadzikira.

“Munhu akatambira maChevrons ari mutungamiri wevatambi ndokuzorairidza chikwata ichi zvekare makore ayo chaitamba mhando yecricket yepamusoro-soro. Saka tinotarisira zvikuru kwaari uye tinovimba kuti achasimudzira zvekare matambiro echikwata chedu,” anodaro Makoni.

Givemore Makoni

Zvichitevera kugadzwa kwake, Houghton ari kutarisirwa kutungamira maChevrons mumutambo we2022 ICC Men’s T20 World Cup Global Qualifier B wekurwira kuenda kuICC 2022 T20 World Cup uyo uchatambirwa kuAustralia munaGumiguru gore rino.

Mutambo wekurwira kuenda kumakwishu aya uchatambirwa muno mwedzi unotevera uye uchange uine zvikwata zvisere. MaChevrons ari muboka rekutanga rine zvimwe zvikwata zvinoti Jersey, Indonesia neUnited States of America kuchiti rimwe boka rine zvikwata zvinoti Hong Kong, Netherlands, Papua New Guinea neUganda.

Muboka rega-rega muchabuda zvikwata zviviri izvo zvichaenda kumasemi-final.

Zvikwata zvinohwina musemi-final ndizvo zvichabudirira kuenda kuAustralia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey