‘Zim haisati yava panjodzi yeC.1.2’

06 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
‘Zim haisati yava  panjodzi yeC.1.2’ Dr Mahomva

Kwayedza

Fatima Bulla-Musakwa

ZIMBABWE haisi panjodzi yekupararira kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 inozivikanwa nekunzi C.1.2 variant iyo yakanyuka kuSouth Africa nguva pfupi yadarika, nyanzvi dzezveutano dzinodaro.

Nemusi weMuvhuro wadarika, boka reNational Institute for Communicable Diseases kuSouth Africa rakazivisa kuti mhando itsva yedenda iri yapararira kumatunhu ose enyika iyi.

Mhando yeCovid-19 iyi inonzi yakatanga kuonekwa munaChivabvu.

Svondo rapera Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vakazivisa kuti vanamazvikokota vesainzi vemuno vari mushishi kuita ongororo yekuona kuti mhando itsva yeCovid-19 yakaonekwa kuSouth Africa haisati yave muZimbabwe here.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende uye neWHO ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi sezvo chichirimo munyika muno.

“Zvinoitika kuti hutachiona hunosanduka-sanduka saka hapana chitsva apa kunyangwe zvazvo tichiramba tichisimbaradza zvirongwa zvedu zvedziviriro sezvatagara tichiita. Tinoramba tichikurudzira munhu wose kuti angwarire panyaya yekuzvidzivirira kudenda iri uye vanamazvikokota vedu vezvesainzi vari kuita ongororo dzekuona kuti mhando itsva iyo yakaonekwa kuSouth Africa yavemo here muno,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti Hurumende iri kugara yakangwarira pamusoro penjodzi inogona kukonzerwa nekunyuka kwemhando itsva dzechirwere cheCovid-19.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano pamusoro peC.1.2 variant inotaridza kuti Zimbabwe pari zvino haizi panjodzi yekupararira kwayo.

Dr Raina Simbi, avo vanova director of laboratory services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti ongororo yakaitwa inoratidza kuti pari zvino mhando yeDelta variant ndiyo ichiri kupararira muZimbabwe.

“Paongororo yekupedzisira yatakabva kuita, takaona kuti chikamu che90 percent chenyaya dzechirwere ichi ndedzemhando yeDelta variant apo 10 percent iri Beta variant.

“Saka hatisati tawana C.1.2 variant pari zvino. Ticharamba tichiita ongororo yedzimwe mhando dzinogona kunyuka. Asi pari zvino C.1.2 variant hatisi kunyanya kutarisa nezvayo,” vanodaro Dr Rimbi.

Mhando dzechirwere cheCovid-19 dzakadai seDelta variant, dzinoratidza kupararira nekukasika uye kusanduka-sanduka.

Dzimwe mhando dzedenda iri dzinosanganisira Alpha neGamma.

Vakafanobata chinzvimbo chaepidemiologist kukanzuru yeHarare, Dr Michael Vere, vanoti zvakakosha kuti paitwe imwe ongororo pamusoro pemhando itsva dzechirwere cheCovid-19.

“Kusvika pari zvino, hapasati pave neumboo hwakajeka hunoratidza kuti mhando itsva dzechirwere ichi hadzikwanise kudzivirirwa kuburikidza nekubaiwa majekiseni.

“Kunze kwekubaiwa majekiseni, tinofanirwa kuenderera mberi nekutevedzera matanho aripo ekudzivirira kupararira kwedenda iri panguva iyo ongororo inenge ichiitwa pamusoro pemhando itsva dziri kunyuka dzechirwere ichi,” vanodaro Dr Vere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey