Zim ine tarenda: Songani

12 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Zim ine tarenda: Songani Silas Songani (kurudyi)

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neVestri yekuIceland — Silas Songani — anoti vatambi vemuZimbabwe vane tarenda rinonwisa mvura uye anoshuvira kuona vakawanda vachitambira kuEurope.

Songani pari zvino ari munyika akamirira kudzokera kuIceland uko mwaka mutsva wenhabvu uchazotanga munaChivabvu.

Nhabvu yekuIceland inotanga munaChivabvu, yakasiyana nekune dzimwe nyika dzekuEurope sezvo kunyika iyi panguva ino kunenge kuchitonhora zvikuru.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Songani anoti munyika muno mune vatambi vakawanda vane tarenda rekutamba nhabvu.

“MuZimbabwe tine vatambi vakawanda vanotamba nhabvu zvinonwisa mvura zvekuti vanotokwana kuzvikwata zvakawanda zviri kuEurope. Asi nekuda kwezvirango zvatakatemerwa neFIFA pamwe neCAF, zviri kutidzorera kumashure, dai nyaya iyi yagadziriswa nekuchimbidza.

“Sevatambi venhabvu, tikanotambirawo kunze kwenyika ndipo patinowanawo mari yekuchengeta nemhuri dzedu.

Muno zvikwata zvishoma zvinobhadhara, ndiko saka mutambi wese wenhabvu achishuvira kuenda kunze kwenyika.

“Manje kana takavharirwa sezvatakaitwa izvi, vatambi vakawanda vanopedzisira vaora mwoyo nekuti vakomana vanenge vane nzara, vamwe vavo vozopedzisira vamedzwa nezvinodhaka.

“Ngatikoshesei hupenyu neremangwana revatambi venhabvu,” anodaro.

Songani ave makore anodarika manomwe achitambira nhabvu yake kuEurope uko akambotambira kuDenmark kwenguva refu ari kuzvikwata zvakaita seSønderjyskE, Sydvest 05 neElverum.

Anoti vamiriri vevatambi vemuno ngavave vanhu vakavimbika vanomirira kodzero dzavo vovatsvagira zvikwata chaizvo zvekutambira kwete kukoshesa mari.

Songani anoti vatambi vazhinji tarenda ravo rakakanganiswa nevamiriri vavo avo vaivavimbisa zvinhu zvakawanda zvisina kuzoitika.

“Vamiriri vevatambi venhabvu ngavasanyepere vapfana nekuvavimbisa zvinhu zvisipo nekuti vanokonzeresa kuti vasvike pakuramwa nhabvu nekuda kwenhema dzavo zhinji.

“Mutambi wenhabvu munhu anoda kuraramisa mhuri yake nekuchengeta vabereki vake, asi manje kana muchivanyepera munenge muchitouraya remangwana rake.

“Ini ndakaita rombo rakanaka rekuti ndakashanda naMore Moyo mumiriri wangu uyo aikoshesa remangwana rangu.

Kune vaimbouya kwandiri vachindivimbisa zvinhu zvakawanda, asi ndakaramba ndakamira panaMoyo nekuti ndinoziva kwandakabva naye,” anodaro.

Songani kunyangwe hake akatambira kuEurope kwemakore akawanda, mutambi uyu haana kunyatsowana mukana wakakura wekutambira chikwata chenyika chemaWarriors sezvo akangokwanisa kutamba ka11 chete.

“Mutambi wenhabvu ishuviro yake kutambira nyika yake mitambo yakawanda, ini ndakakomborerwa kuti ndakatambira nyika yangu ka11 asi ndaidawo chaizvo kuitambira kakawanda.

“Varairidzi vairairidza chikwata chenyika ndivo vanoziva kuti sei vasina kundishevedza kakawanda uyewo ini handina daka nazvo nekuti pakupedzisira sechizvarwa chemuno, ndinoda kuona nyika yangu ichibudirira mumutambo wenhabvu ichisvika kure,” anodaro.

Songani anoenderera achiti: “Kana tave kutenderwa kutamba nhabvu senyika, ndichashanda nesimba kuti ndishevedzwe ndizotambira nyika yangu zvekare.”

Mutambi uyu anorumbidza zvikuru Norman Mapeza uyo waakashanda naye kuFC Platinum panguva yaakambodzoka kuzotambira nhabvu yake muno achibva kuDenmark asati aenda kuIceland.

Anoti Mapeza akamubika patsva zvekuti akashamisika kunzwa kuti atengwa neVestri yekuIceland.

“Mapeza ndinomurumbidza zvikuru nekuti akandibika patsva izvo zvakazozarura mukana wekuti ndiende kuIceland. Iye Mapeza pachake akatoshamisika kuti ndave kudzokera kuEurope akandikurudzira kuti ndishandise mukana uyu nemazvo wandakawana apo ndakatengwa neVestri,” anodaro.

Songani, uyo akambotambira Harare City neFC Platinum, ave nemakore 33 ekuberekwa uye anoti ave kutanga kuita gadziriro dzekusendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu.

Anoti kana akasiya kutamba nhabvu, anoda kuzoita zvesports management.

“Nekugara kwandaita kuEurope, ndave kuzivana nevanhu vakawanda ikoko saka ndinoda kuvhurira mikana vatambi vakawanda vagouya kuzotambirawo nhabvu yavo kuEurope.

“Mikana yandakawana, ndinoda kuti vamwe vaiwanewo zvibatsire kuti nhabvu yedu munyika isimukire,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>