Zim ingangobaya vana majekiseni

28 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Zim ingangobaya vana majekiseni Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

ZIMBABWE ine hurongwa hwekuti inge ichidzivirira chirwere cheCovid-19 kuvana zvichitevera budiriro yavepo mukubaiwa kwevanhu vakuru.
Vachipindura mibvunzo yevamiriri venyika yekuGerman mumusangano wavakaita mushure mekunge nyika yekuEurope iyi yapa rutsigiro rwemamasiki 924 000, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kune ongororo iri kuitwa ine chinangwa chekuchengetedza vechidiki kubva kuchirwere ichi.

Zimbabwe iri kutarisira kuti idzivirire chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti 10 miriyoni zvinoda huwandu hwemajekiseni anosvika 20 miriyoni kuti ikwanise kuzadzikisa chinangwa ichi kuti nyika ive yakadzivirirwa (herd immunity).
Pari zvino mishonga yemajekiseni 18 miriyoni yakatengwa uye mizhinji yacho ichapinda munyika mumwedzi mishoma inotevera.
Hurumende yakabhadhara mishonga yemajekiseni 12 miriyoni uye 5 miriyoni iri kutarisirwa kubva kuAfrican Union mushure mekubhadhara US$7,5 miriyoni.

Mimwe mishonga 1 miriyoni yerudzi rweCovax iri kutarisirwa kubva kuWorldwide Covax facility.
Vachipindura mumiriri weGerman muno, VaUdo Volz, Dr Mangwiro vanoti: “Ndakanzwa muchitaura maringe nekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 kuvana, Zimbabwe iri kuita ongororo uye dzimwe nyika dziri kuita zvimwe chetezvo. Nyanzvi dzedu dzeMedicines Control Authority of Zimbabwe dzichaita ongororo iyi kuitira kuti tione kuti vana vadzivirirwa.”

Dr Mangwiro vanoti vanoda kuona kuti vana vakachengetedzeka zvikuru panguva yavachange vachiita zvidzidzo zvavo.
“Sezvamuri kuitawo kuGerman, tiri kuitawo zvimwe chetezvo kuti tizive zvinodiwa neruzhinji rwevanhu tichishandisa hunyanzvi hwesainzi,” vanodaro.

Hurumende yakapfuudzira mberi mazuva ekuvhurwa kwezvikoro nechinangwa chekuchengetedza vana kubva kuchirwere cheCovid-19 uye kumwe kuungana kusina tsarukano kuri kurambidzwa.

Zvichakadai, gurukota rezveutano kuIndia, VaMansukh Mandaviya, vakaudza musangano weBJP Parliamentary Party kuti vachange vachitanga kubaya vana majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kutanga kwaNyamavhuvhu.

Zimbabwe ine kudyidzana kwakanaka nenyika yeIndia nokudaro kana ichinge yabudirira pane mikana yekuti majekiseni iwayo abatsirewo nyika ino.
Zimbabwe yakatsigirwa nemishonga yeCovaxin Covid-19 vaccines inosvika 75 000 kubva kunyika yeIndia.

Sangano reWorld Health Organisation riri kuita ongororo iyi kuti vana vange vachizobaiwa pachishandiswa mishonga yePfizer/BionTech vaccines kune avo vane makore 12 okuberekwa zvichikwira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey