Zim inoda runyararo

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Zim inoda runyararo

Kwayedza

ZIMBABWE ichaita sarudzo musi wa30 Chikunguru. Sarudzo idzi dzinosanganisira dzemutungamiriri wenyika, vamiririri mudare reParamende nemakanzura. Mapato anodarika 120 anotarisirwa kukwikwidza musarudzo idzi – ndokunge kana mamwe acho asiri ana gudzamudungwe uye akwanisa kuita zvinodiwa nemutemo.

Komisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) inoti vanhu vanosvika 5,5 miriyoni vakanyoresa kuti vange vachizovhota. ZEC inoti matare anogamuchira mazita evanhu neemapato achakwikwidza musarudzo idzi (nomimation courts) achaitwa musi waChikumi 14. Mapato akasiyana, kusanganisira riri kutonga reZANU-PF pamwe nereMDC Alliance, akatotanga kutsvaga rutsigiro.

Itarisiro yedu kuti sarudzo idzi dzichaitwa murunyararo nekuti hapana chikonzero chakuti pave nemhirizhonga.
Zvakakosha kuziva kuti sarudzo dzinouya dzichidarika uye chinodiwa ndechekuumba remangwana reZimbabwe rakajeka.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakaratidza kuti zvinoda runyararo gore rapera muna Mbudzi apo pakave nekushandurwa kweHurumende pachiuya Hurumende itsva. Hazvisati zvamboitika pasi rose kuti hurumende inoshandurwa pasina mhirizhonga. Asi izvi zvakaitika muZimbabwe, pasi rose rikashamisika – kusanganisira vaya vanoda kuona nyika ino isina kugadzikana. Vakatotya nazvo!

Kubatana kwakaita zvizvarwa zveZimbabwe pakushandurwa kwakaitwa Hurumende gore rapera kunofanira kuenderera mberi kunyangwe panguva ino apo nyika yakatarisana nesarudzo.

Kusiyana kwemapato ezvematongerwo enyika hazvirevi kuti munhu ave muvengi wako, kwete. Tinogamuchira nemawoko maviri mashoko ari kugara achitaurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa ekuti sarudzo idzi dzinofanira kuitwa murunyararo, vanohwinha vagohwinha pasina zvipomerwa. Vatungamiriri vemapato ose ezvematongerwo enyika ngavaparidze shoko rimwe chete iri kuvatsigiri vavo, shoko rerunyararo.

Vanhu veZimbabwe vanofanirwa kunyadzisa vemapato anokurudzira mhirizhonga nekusavavhotera pasarudzo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa zvakare kunyadzisa vavengi nekuita sarudzo idzi murunyararo.
Vose vari kutsvaga rutsigiro rwekuti vange vachivhoterwa ngavazviite pasina mhirizhonga.

Mapato ose ari kukwikwidza ari kutsvaga rutsigiro akasununguka pasina kumbunyikidzwa kana kuda kumbunyikidza vamwe.
Mweya wakadai uyu unofanira kuramba uchiendera mberi nekuti zvinoita kuti Zimbabwe ive neremangwana rakajeka.

Runyararo rwunofanira kuvepo iye zvino apo mapato akasiyana nevamwe vanhu vari kukwikwidza vakazvimirira vanenge vachitsvaga rutsigiro, runyararo urwu ngarwuvepo zvakare musi wesarudzo neapo dzinenge dzapera. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune dzimwe nyika nekuita sarudzo idzi murunyararo.

Hurumende yakakoka mapoka akasiyana kuti azoona kuitwa kwesarudzo idzi zvichireva kuti hapana chekuhwanidisa kana kuvanza mukuitwa kwadzo.

Vamwe vakakokwa kuti vazoona kuitwa kwesarudzo idzi vanosanganisira chikwata cheCommonwealth icho pari zvino chiri munyika muno.

Runyararo rwakakosha nekuti rwunoita kuti mabasa ose, zvikuru ebudiriro, afambe zvakanaka.
Zvava kumunhu wose kuti sarudzo dziitwe murunyararo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>