Zim iri mugwara: WHO  

27 May, 2021 - 12:05 0 Views
Zim iri mugwara: WHO   Dr Gasasira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka 

MUMIRIRI wesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO munyika muno, Dr Alex Gasasira, vorumbidza Zimbabwe nekutora kwairi kuita matanho akasimba ekurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka cheTyphoid pamwe chete neCovid-19.

Vakataura mashoko aya svondo rapera zvichitevera kuparurwa kwechirongwa chekubaiwa kwemajekiseni eTyphoid Conjugate Vaccine (TCV) kuvana vane makore ari pasi pe15 ekuberekwa muzvikoro, zvipatara nemakiriniki akatekeshera nenyika uye chichapera nemusi wa4 Chikumi.

Chirongwa ichi chakaparurwa nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Constantino Chiwenga avo vanove zvakare gurukota rezveutano.

VP Chiwenga vanoti Hurumende ichapa mishonga yemajekiseni ekudzivirira chirwere cheTyphoid anosvika 6 miriyoni zvichifambirana nenyaya dzekusimbaradza utano.

Dr Gasasira vanoti Zimbabwe iri kushanda nesimba panyaya yekusimudzira utano hweveruzhinji.

“Tinopembedza zvikuru danho rakatorwa neHurumende yeZimbabwe rekuona kuti vana vane makore ari pasi pe15 ekuberekwa vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheTyphoid nekuti kuti nyika ibudirire utano hweveruzhinji hunofanira kuiswa pamberi,” vanodaro Dr Gasasira.

Dr Gasasira vanopembedza zvekare Zimbabwe mukusimbaradza chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 vachiti vakawanda kwazvo vanhu vari kutora danho iri kutopinda dzimwe nyika dzakabudirira.

“Nomusi wa18 Kukadzi, 2021 Zimbabwe yakava nyika yekutanga pakati penyika dzinobata pamwe neWHO mukuparura chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Tinofara zvikuru nebudiriro iyi apo veruzhinji vari kutora danho iri nekuti zvinobatsira mukuderedza ukasha hwedenda iri. Zimbabwe yakapedzisira kutambudzwa nechirwere chegwirikwiti mugore ra2010 apo dzimwe nyika dziri muAfrica, Europe neAmerica dzakaramba dzichibatwa nedenda iri kakawanda mumakore mashoma adarika,” vanodaro.

Mumiririri weUnicef muZimbabwe, Dr Tajudeen Oyewale, vanotendawo bazi rezveutano nekurerwa kwevana mukukurudzira nyaya dzekudzivirirwa kwechirwere cheTyphoid.

“Mushonga weTyphoid uyu ndewekutanga sezvo uchikwanisa kupihwa kuvana kubvira vane mwedzi mitanhatu yekuberekwa uye unogara kwenguva ndefu uchivadzivirira kubva kuchirwere. SeUnicef, tiri kutsigira chirongwa ichi nevamwe vatsigiri,” vanodaro.

Chirwere ichi chinokonzerwa nekushaya hanya nenyaya dzekutsvinda zvikuru apo vanhu vanoshandisa mvura yakasviba uye huchapa hwemunharaunda pamwe nechikafu chavanodya zvinozoita kuti vapedzisira vava kuita manyoka emhando iyi.

Vana vari kupihwa zvekare mapiritsi eVitamin A ekuvandudza utano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey