Uncategorized

Zim maita zvakanaka: AU

03 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Zim maita zvakanaka: AU

Kwayedza

Wallace Ruzvidzo
SANGANO reAfrican Union (AU) rinorumbidza matanho ari kutorwa neZimbabwe mukurwisa chirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19.

Matanho aya anosanganisira kuvharwa kwezvikoro nemayunivhesiti, kurudziro yekuti vanhu vasaungane uye kuti vagare kudzimba.

Vachitaura pamusoro pezviri kuitwa muAfrica maererano neCoronavirus nemusi weChitatu chadarika, veAU Centre for Disease Control (CDC) vanoti Zimbabwe imwe yenyika dzine utachiona hweCovid-19 hwakaita zvekuunzwa kubva kune dzimwe nyika.

Zimbabwe iri pakati penyika dzine vanhu vari pasi pegumi vakabatwa vaine Coronavirus kuchitiwo South Africa ndiyo ine vakawanda vane utachiona uhwu. AU inoti Zimbabwe iri pakati penyika dzakaisa mitemo yakasimba yekuti vanhu vasafamba-famba kuenda kune dzimwe nyika.

Sangano iri rinoti matanho akadai sekukurudzira vanhu kuti vasaungane uye kuti vagare kudzimba nekuvharwa kwezvikoro anobatsira zvakanyanya pakuderedza kuparadzirwa kweCovid-19.

AU iri kukurudzira dzimwe nyika dzemuAfrica kuti dzitore mamwe matanho akasimba ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Nechinangwa chekuderedza kuparadzirwa kwechirwere ichi, panofanira kutorwa matanho akasimba kusvikira mushonga wavapo (uyo uri kufungidzirwa kuti unogona kuwanikwa kwapera mwedzi gumi nemisere),” inodaro AU.

Covid-19 inotsanangurwa sechirwere chinouraya zvakanyanya uye chakanganisa nyika dzemuAfrica nedzimwe dzepasi rose.

Share This:

Sponsored Links