Uncategorized

Zim neSA dzotarisa nyaya yema’permit’

11 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Zim neSA dzotarisa nyaya yema’permit’ Ambassador Shava

Kwayedza

Africa Moyo

ZIMBABWE neSouth Africa dziri kushanda pamwe chete mukuyedza kugadzirisa nyaya yemagwaro eZimbabwe Exemption Permits (ZEP) ayo anopa mvumo zvizvarwa zvemuno kuti zvishande kunyika iyi zvichitevera kupera kushanda kwaachaita munaZvita gore rino.

Izvi zvakabuda nemusi weChitatu chino pamusangano weBi-National Commission (BNC), wakaitwa pakati peZimbabwe neSouth Africa.

Gurukota rinoona nezvekunze kwenyika, Ambassador Frederick Shava negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika rekuSouth Africa – Dr Naledi Pandor – uye nenhumwa dzavo, vakasangana kuti vaone mashandiro ezvisungo zvakabvumiranwa pamwe nekugadzirira musangano wevatungamiri venyika pachikamu chechina cheBNC.
Ambassador Shava vanoti kupera kushanda kwemagwaro eZEP kwave nenguva kuchitaurwa nezvako.

“Magwaro eZimbabwe Exemption Permit acharega kushanda kupera kwegore rino. Kupera kwawo kushanda kuri kukonzera kushushikana kukuru kune vane mvumo iyi,” vanodaro.

“Hurumende dzedu dziri mbiri dzinofanirwa kushanda zvakasimba pamusoro penyaya iyi. Takagadzirira kugamuchira zvizvarwa zvedu kumusha.

“Zvichakadaro, ndinoda kudzokorora chikumbiro chedu kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa kuti zvicherechedze pamwe nekuremekedza mitemo yeSouth Africa. Chinhu chinofanirwa kumunhu wese weZimbabwe kusimudzira nekuchengetedza chimiro chakanaka cheZimbabwe, chero kwaanenge ari.

“Tinoshora hutsotsi hwose hunogona kuitwa nezvizvarwa zvedu muSouth Africa nekune dzimwe nyika pasi rose,” vanodaro Ambassador Shava.

Vanoti Hurumende haisati yave nehuwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvakazadzikisa chikumbiro cheSouth Africa chekuti munhu wese atore magwaro matsva anovatendera kushanda kunyika iyi uye vari kukurudzira vanhu kuti vagadzirise magwaro avo.

Avo vachakundikana kuwana magwaro anodiwa kuti varambe vari kuSouth Africa, vakasununguka kudzoka kuZimbabwe uye Hurumende iri kutora matanho ekuti vange vachidzoka pasina matambudziko avanosangana nawo.

“Tinovimba tichavagadzirira nzira yekuti vagoshandisa kuti vasazokanganisa nyaya dzekufamba pakati peZimbabwe neSouth Africa,” vanodaro Ambassador Shava.

Dr Pandor vanotenda kuti Zimbabwe iri kukurudzira zvizvarwa zvayo zviri kuSouth Africa kuti zvigare zvakarongeka.
“Ndinokurudzira vese vane maZEPs kuti vatore danho rekugadzirisa mangwaro avo. Nguva yave kupera, zvave kupera munaZvita gore rino uye zvakakosha kunyorera kuti zvikumbiro zvitariswe nenzira kwayo kuitira kuti magwaro akakodzera agadziriswe,” vanodaro.

Dr Pandor vanoti vanoshushikana zvikuru nekurwiswa kunomboitwa zvizvarwa zvedzimwe nyika muSouth Africa uye ndokuti hurumende yavo iri kutora matanho akasimba ekugadzirisa dambudziko iri.

Share This:

Sponsored Links