Zim yagadzirira kurwisa red locust

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Zim yagadzirira kurwisa red locust Mhando yemhashu dzered locust idzo dziri kuparadza zvirimwa zvakasiyana kunyika dzinosanganisira Kenya, kudunhu reEast Africa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yagadzirira zvikuru kurwisana nedambudziko remhashu dzinofamba dzakawandisa zvekudarika miriyoni imwechete (red locust) dzichiparadza zvirimwa zvakasiyana idzo parizvino dzarura kunyika dziri kudunhu reEast Africa.

Red locust imhashu kana kuti hwiza dziri mumupanda wetwupukanana twunoparadza goho uye twunofamba nyika nenyika (migratory pests).

VaShingirirayi Nyamutukwa vanova nyanzvi inoona nezvezvirimwa uye kudzivirirwa kwezvirwere netwumbuyu (Plant Quarantine and Plant Protection Services Institute (PQPPSI) kuchikamu cheDepartment of Research and Specialist Services Entomologist vanoti nyika ino yakagadzirira zvizere kurwisana nedambudziko remhashu iri.

Vanoti Zimbabwe inhengo yesangano repasi rese reInternational Red Locust Control Organisation for Central and Southern Africa (IRLO – CSA) rinobatsira nyika dzese dzinova nhengo mukurwisa zvirwere kana twumbuyu twune mikana yekuparadza goho.

“Kana hwiza dzemhando yered locust dzikapinda munyika muno, tinobatsirwa nesangano iri mukudzirwisa nekuti kutaura kuno kune mari yarakapihwa neUnited Nations kuti rirwise dambudziko iri. Hwiza idzi dzinofamba nyika nenyika saka hatingati hadzina mikana yekupinda munyika muno asi tinoramba tichikusha ruzivo kuvarimi vedu kuti vagare vakagadzirira. Kana dzikapinda mumunda, kutaura chokwadi hapana chinokohwewa zvachose nekuti dzinofamba nehuwandu hwadzo uye dzinobereka zvakanyanya dzichidya mashizha ezvirimwa zvakadai sechibage, gorosi, mapfunde, miriwo neemiti,” vanodaro.

VaNyamutukwa vanoti vanocherechedza nezvedambudziko rered locust nguva nenguva padanho reRegional Level vachinyora magwaro mwedzi wega-wega maringe nezvinenge zviri kuitika.

“Varimi havafaniri kuvhunduka nekuti pane ongororo iri kuitwa zvekuti tinokwanisa kuona kana mhashu idzi dzichinge dzananga nekurutivi rwenyika ino kuti patorwe matanho dzisati dzapinda.

“Red locust imhashu dzinoparadza goho mukati menguva diki zvekuti varimi vanotogona kutoshaya chavanokohwa uye dzine mimwe mwaka yadzinobereka zvakanyanya.

“Padzinofamba dzichidya mashizha ezvirimwa dzinokandira mazai anozotsotsonya pachibuda dzimwe hwiza,” vanodaro.

Zimbabwe, vanodaro VaNyamutukwa, yakambowirwa nedambudziko remhando yemhashu idzi kumakore eku2000 izvo zvakaita kuti nyika iwirwe nenzara.

Mugore ra2017, Zimbabwe yakasangana nedambudziko rered locust varimi vechibage negorosi vakarasikirwa zvikuru sezvo dzichifamba dziri muzvikwata.

Varimi vakarasikirwa nemahekita anodarika 1 600 uye mhashu idzi dzinofamba kwemakiromita 200 paawa rimwechete.

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti mhashu idzi dzinokwanisa kudya matani 80 ezvirimwa uye dzinogona kufamba dziri muhuwandu hunosvika 40 miriyoni.

Mhashu imwe neimwe inonzi inokandira mazai ane huremu hwemuviri wayo pazuva.

Parizvino mhashu idzi dzinonzi dzanetsa kunyika dzinosanganisira Kenya uko dzakaparadza mahekita anodarika 70 000 ezvirimwa zvakasiyana.

Kunyuka kwered locust kwauya panguva iyo apo nyika dziri muAfrica – idzo dzinova dzichiri kusimukira – dziri kutambudzwa nemakonye efall armyworn neAfrican army worm uye shiri dzemhando yequelea birds izvo zviri kuparadzawo zvirimwa.

Makonye efall army worm anonyanya kuparadza chibage, akazivikanwa nezvawo pakutanga munyika yeBrazil uye munguva pfupi yadarika akaonekwa kuLower Gweru, kuMidlands muZimbabwe.

Paongororo yakaitwa, zvakaonekwa kuti makonye aya akapinda munyika dziri muAfrica kuburikidza nenyaya dzekutengeserana chibage apo chaibva kuUnited States  nyika iyi ichiedza kubatsira munguva yenzara.

Sangano reFood Agriculture Organisation rinoti makonye emhando yefall armyworm anonetsa kurwisa sezvo achida mari yakawanda yekutenga mishonga pamwe nekufundisa marimi mashandisirwo ayo uye nyaya dzeongororo.

Share This:

Sponsored Links